Nyaudzosingwi biku Tekeshe B banga (ideophone of Putting in saf e place; of Packing up.) Mukadzi akati nhumbi dzake banga, ndiye dhu, tundu kuenda. banganyi (ideophone of Being smashed). bangwa kana dendere (ideophone of Following (esp path). Iti nzira bangwa: f ollow the path. bani kana mba (ideophone of Gripping, taking hold of with fingers; of Pinching). Chipikiri chakanzi bani nembato: the nail was gripped by the pincers. Kubanidza (Grip firmly. Hold tightly) kureva kubatisa. Haugoni kuzvomora hoko asina kuibanidzisa. Kubanika (Grip. Hold tightly with fingers; Pinch). Banika chidzivo ugochitenderedza: grip the stopper and turn it. barara (ideophone of Spreading widely e.g. in open plain; of Extending over an area. 2. of Catching sight of ). Mhuka dzikati barara muvhimi dzinotiza bari (ideophone of Sparking (one). Moto uri kungoti bari bari chete: the fire is doing nothing else but give off sparks. barivaf a kana baf af a (ideophone of Desiring to eat or drink). Imbwa yanga yakati barivaf a kuti ikandidzirwe bvupa: the dog was eagerly awaiting to be thrown a bone. bau (ideophone of Acting quickly). Akati nyama bau: he snatched up the meat and made off with it. Kubaukira (Be quick). Aif amba achibaukira: he walked quickly. Kune zita remhuri rinonzi Nyakabau. bazanu (ideophone of Sorting, dividing into different kinds). Ko nhai varume, hamuti nyama iyi bazanu here: surely you men are going to sort this meat bebenu, pepu kana tangaya (ideophone of Recovering consciousness). Kubebenudza (Cause to recover consciousness). Kubebenuka (Recover consciousness) uye kupepuka. kana kubebenura. bef u (ideophone of Breathing out). Bef u, mabef u kana mapef u. (Exhaled breath; 2. Sigh). kana f emo. Akatura bef u: he sighed. Kubef ura (Breathe out). bena (ideophone of Sauntering). bendekete (ideophone of Sitting with arms and legs crossed - an attitude of respect; 2. of Following path). benemene (ideophone of being clear). benengu kana penengu (ideophone of Lif ting up to examine what is below). Kubenengudza. bengenu kana pengenu (ideophone of Clearing sky; 2. of ,Brightening vision, appearance). Kubengenudza. bengwa (ideophone of Listening intently). bepu, pepu kana tangava (ideophone of Recovering consciousness). bera (ideophone of Sitting in f orbidden place). Zvawakati bera mumba mangu, akupinza ndiani? bere kana bebe (ideophone of Following closely). berekane, tande kana tora (ideophone of Pursuing). Ndakati berekane naye: I ran af ter him. berengende kana dendere (ideophone of Following path closely; 2. of Being seen to be better in health). betete (ideophone of Entering deeper and deeper; 2. of Settling down in comf ortable chair). beza (ideophone of Sitting quietly). Zvichida ndipo panobva mazita okuti Mabeza uye Nyabeze? bharanganda (ideophone of Lightning flashing as thunder claps; 2. of Being clever; 3. of Opening widely - e.g. door; 4. of Being too hotly flavoured). bizu (ideophone of doing hard physical work). Kubizudza (Make to do hard, physical work). Kubizuka (Do hard physical work). bwit i kana pwiti (ideophone of Suffocating or drowning). Kubwitidza, kuvhumidza, kumwidza kana kubitidza (Suffocate; drown). Kubwitira rinotaurwa zvakare. bwit it i (ideophone of Many moving or acting conf usedly or excitedly). bwitu (ideophone of Flashing). Kubwitudza (Cause to flash) kana kuhwitudza. Kubwituka kana kuhwituka anowanikwa zvakare. bwodo kana pwete (ideophone of Talking nonsense; 2.of Telling untruth). Kubwododza (Make to talk nonsense). Kubwodoka rinotaurwa zvakare. bwodomo (ideophone of Talking nonsense). Kubwodomoka, kubvotomoka kana kubwotomoka (Talk nonsense). Bububu kana tandanga (ideophone of Filling small container with solids). Bvuku (ideophone of Guessing. 2. of Shaking). Kubvuka (Guess. Foretell). Kune mana anonzi Mabvuku muguta reHarare. Bvura kana pe-e (ideophone of Being relaxed). Ndure Chanyau (ideophone of 1. Cutting roughly. 2. of Acting superficially. 3. of Doing work badly). Mamwe Mazwi - kuchanyaudza, kuchanyaura, kuchanyaura. chakat a (ideophone of Being plentif ul - generally f ood; 2. of Wetting; 3. K of Spreading or scattering over the whole of an area - non-living things). Vanhu vakati kudya chakata: everyone had plenty to eat. Handina kupati pasi chakata: I did not put head to pillow. Mumba makangoti chakata marara: rubbish is scattered all over the house. chakwa chakwa (ideophone of Walking through very shallow water). Kana kuchinaya, vanhu Yanoti chakwa chakwa mumvura - (i.e. make a splash when walking). Kuchakwaira (Walk through very shallow water. 2. Splash by walking). Taswerochakwaira mumajahwi mumapani tichitsvaga pekurima. chakwata (ideophone of Being very wet especially clothes). 2. of Being very wet - of ground). Kuchakwati za (Make wet - especially clothes by splashing). Kuchakwatika rinotaurwa zvakare. chambwa (ideophone of Spattering by splashing. Kuchambwadza kana kuchapatidza (Spatter by splashing)). Usamira padyo nedhibha, mombe dzinokuchambwadzira dhibhi muviri wose. chichinu (ideophone of 1. Acting together simultaneously. 2. of Obtaining on large scale). Muviri wakati mapundu chichinu: the whole body was covered with spots. chimhu (ideophone of Drawing water). Kuchimhuka (Be, or be able to be, drawn - water). Kuchimhura (Draw water) apa kureva kuchera. changinja (ideophone of Seizing e.g. weapon). Akati badza changinja: he seized hold of the hoe. chanjandara, chachama kana chacharara. (ideophone of Being adamant) Tezvara akati chanjandara, mombe ibonga: the f atherin-law ref used to budge because the f ull number of cattle had not been paid. chinjinji (ideophone of Lying with limbs projecting upwards). Mombe dzakadya chepf u ndokuf uma dzakati chinjinji: the cattle ate poison and in the morning they were lying dead with legs in the air. chinjinya, chinyamunjororo kana chinyamupf ukidzi (ideophone of Dying alone suddenly). Kuchinjinyadza (Make to die suddenly - alone). Kuchinjinyara (Die alone suddenly). chinjiri (ideophone of Lying across. 2. K of Projecting upwards). chivhu kanaa che (ideophone of Cutting deeply with sharp instrument). D Dangara kana tangarwi (ideophone of Swallowing without chewing). Mukomana uyemboro wokukara ati ndochiti dangara ndokudzipwa nenhango: that greedy boy tried to bolt-a piece of meat and choked. Dangurangu (1. ideo of Becoming replete. 2. of Being inflated, bloated). Akadya dakara ati dangurangu: he ate until he was replete. deke (ideophone of Beating to death). dekedese (ideophone of Sending a child or weak person alone to a f ar place). dekeshu (ideophone of Retracing one's steps, of Turning back on self e.g. snake inhole; 2. of Opening and eating especially nzungu in quantity). Mamwe Mazwi: Dekeshudza (Cause to retrace steps or to change attitude completely. 2. Cause to eat up completely). Dekeshuka (1. Retrace one's steps;change attitude completely. 2. Be eaten upcompletely). Kune mazita emhuri anonzi: Mudeke; Mudekunye uye Dekune. deku deku (ideophone of Speaking distinctly). Taura mazwi uchiti deku deku: pronounce the words distinctly. Mamwe Mazwi: Kudekudza kana kudekedza (1. Speak fluently. 2. Speak or act very f ast). Hazvina kureruka kudekudza mukutaura rurimi rusiri rwaamai vako: it is not easy to speak fluently a language that is not your mother tongue. Kudekura (Speak distinctly). Izwi rinoshoshoma seromunhu akararodekura usiku hwose: a voice that is hoarse, like that of a person who has been straining his voice all night. Kune zita remhuri rinonzi Mudekunye uye Dekune. dendere (ideophone of Following a path without detouring). Uchibva kuchikoro iti nenzira dendere: come straight home f rom school. denengu (ideophone of Speaking plainly without concealment or oblique ref erence). Hatidi chibhende, haungatiti denengu here: we are not satisfied with veiled ref erences can you not tell us plainly. Kudenengadza (1. Make to speak clearly. 2. Pronounce. Say out). Mwana wenyu ava mukudenengudza mazwi ose: your child is now able to pronounce words properly. denga kana denga denga (ideophone of Making off, or f or). Tsuro yakanzi gwa netsvimbo, ndiye barabada denga: hit by a stick, the hare staggered slightly and made off. Akati denga nenzira achienda kumusha: he went towards his home. denga denga (ideophone of Balancing obiect on head). Akaf uma achingoti denga denga nehari kutsime: she got up early, put the pot on her head and went to the well. dengai (ideophone of Balancing; 2. of Showing pride or disdain - especially by gait). Ndakaona munhu akati dengai pachiruvi chemba: I saw a man standing balanced on the top of the roof . Kudengaidza (Set up something delicately balanced. 2. Make proud. Cause to show disdain). Kudengaira (Walk, balancing caref ully. 2. Show pride or disdain. Unodengaira soruf u: you are as proud as (or, as uncertain as) death. denge (ideophone of Balancing). Tarisa kuno, ndinoti denge zvangu, kana kumbobatira kwete: look how I am balancing without holding on to anything. Kudengedza (Balance on head) kureva kudengeza kana kudengezera. denge (ideophone of Making f or a destination). Akati denge nenzira: he f ollowed the path. dengene (ideophone of Shaking (heavy thing). Kudengeneka (Shake something heavy). dengu (ideophone of Bobbing the head; of Floating on surface moved up and down bywaves). Kudengadza (Bob, nod head). Harahwa dzinodengudzana misoro: old peop}e nodtheir heads together. Kudenguka (Bob, nod (of head). Kudenguma (Move f orwards with swaying or surging motion). Chitima nerori negwazvinodenguma: a train and a lorry and a boat move f orward with a swaying or surging motion. denhe kana denhu (ideophone of Setting in motion, by touching or blowing). Denhedza (Set in motion. Start up). Denhedza muchini: start up the machine. Kudenheka (Start to move. 2. Tremble - building, ground. 2. Quake). Muti uri kutemwa wava kudenheka wose pachawo: thetree being f elled is beginning to f all by itself . denhu (ideophone of Provoking; 2. of Setting in motion; 3. of Starting up engine; 4. Z of Going down a slope; 5. of Sloping. 6. of Spilling; 6. of Being low). Kudenhudza kana kudenhuka (Be sloping. 2. Be tilted; 3. Go down a slope). Kudenhura (Roll down, let down; a slope). deno kana tuzu (ideophone of Being perplexed, at a loss, astonished). Murume akati achibika ndokubika mbodza ndokuti nazvo deno: denu (ideophone of Sloping; of Going down a slope). denyu (ideophone of Disappearing suddenly and completely). Kudenyura (Disappear suddenly and completely). Kudenya (Hide self . 2. Disappear quickly). dere (ideophone of Going straight down; of Going down steep hill). Kuteremuka. deru (ideophone of Going down steeply). Kuderuka (Go down steeply). Mamwe Mazwi: Derwe?? detembu (ideophone of Praising especially ritually). Kudetembura (Ask repeatedly) kureva kudembetera. detsu (ideophone of Being very productive). Kudetsudza (Make to be very productive). Fetiraiza inodetsudza munda: f ertilizer makes a land productive. Kudetsura (Be very productive). Gore rino mbesanwa dzakadetsura kubereka. deu (ideophone of Spilling wodzvo; 2. of Setting sun tetete). Kudeudza (Make to spill). Kudeuka kana kuteuka (Spill; 2. Set(of sun). Mvura yadeuka haichina muoreri: spilt water has no one to collect it. didi (ideophone of Drinking much quickly) kureva gwakwai kana kukakaira. didimu (ideophone of Summoning an, 2. of Driving away, or towards somewhere, a large number of animals). Ishe akati masabhuku didimu: the chief summoned the village heads. Kudidimura (1. Summon many. 2. Drive away large number of animals e.g. baboons; 3. Drive whole herd of cattle at once). didinya kana didinyn'a (ideophone of Being completely dead. 2. of Dying suddenly). Kudidinya kana kudidinyn'adza (Kill suddenly; Die suddenly) kureva kukwishuka. dinywa (ideophone of Dying). Kwakanzi didinywa nemombe musango: the beast died in the veld. didiri kana bibiri (ideophone of Driving away many). Vane misikanzwa vakanzi didiri: the unruly ones were expelled.Kudidirika (Go somewhere f requently). Ndakadidirika kutsime: I went to the well several times. Kudidirika (Be dismissed ignominiously. Be expelled. Be divorced). Akadidirika paba sapamusana porubo: he was sacked f or stealing. Kudidiritsa (Expel; drive away; dismiss many; Drive away one or many; making them run) zvichireva kudzinga kana kutanda. dif a kana def a (ideophone of Sagging person or animal; 2. of Being concave) kutaura chinhu chakakombwera - kombwe. Kudif a (Sag person or animal; 2. Be concave). dif a dif u (ideophone of Walking (as a f at and short person does). Kudif uka (Walk as short, f at person does) zvichireva kutashuka, kudif ura kana kudif uka. diga diga (ideophone of Walking vigorously - short, strong person or animal). Kudiga kana kutigaira (Walk vigorously (short, strong person or animal). digi (ideophone of Stepping into a place quietly). dimi (ideophone of Speaking figuratively). Kudimika (Speak figuratively - in metaphor). Kana uchiti, "Ndiri kutsvaga bAiza jena," uri kudimikira: when you say, "I am looking f or a white horse," you are speaking figuratively. Dimikira kana madimikira, (Figure of speech parable; allegory; metaphor). dimu (ideophone of Cutting through(log, stick, something stretched with one stroke). Dimu (Cut-off piece wood, string). Kudimudza (Cause someone to cut across string; 2. Take short cut) kureva kugurira. Dimudzira neyapakati: take the short cut that cuts across. Kudimuka (Be, or be able to be, broken or cut, acros)s. Kudimura, kudumura kana kudunura (Cut through- chop through; amputate; 2. Cut in two; 3. Shorten (dress story, distance). Vakadimura nyama: they cut the meat f or distribution. Uri kudimura rungano urwo: you are shortening that story. dindiri (ideophone of Coiling tightly round something; 2. of Tying tightly. 3. of Filling notsolid container with anything - shutu 4. of Falling down and rolling e.g. round object). Shato yakati mhembwe dindiri: the python coiled itself tightly round the duiker. Dumbu rake rakati dindiri nesadza: his stomach was drum-tight with f ood. Kudindiridza (1. Coil round. 2. Leave unguarded. 3. M Make to f all and roll(. Makano anodindiridzwa norunhare: hunting axes have wire wound round their handles. Kudindirika (Fall and roll - round object). dindiziri (ideophone of Rebounding). Badza rakati dindiziri pavhiri remota: the hoe bounced back f rom the tyre of the car. dinga (ideophone of Being conceited). dinga dinga (ideophone of Walking stiffly e.g. on stilts). dinhu (ideophone of Releasing pent-up f orce). Kudinhuka (Be released f rom restraint. Go off - spring-trap). Kuinhura (Release a pent-up f orce; 2. Discharge e.g. a gun). Dinhura dombo: let the stone start rolling. dirinhiri kana vhundu (ideophone of Startling) Akati dirinhiri ava pakati peshumba: he suddenly f ound himself surrounded by lions. Ati dirinhiri tichinwa hwahwa: he happened on our beer party. diti (ideophone of Drinking to excess). duku (ideophone of Vomitting slowly -nas dog sometimes does; duku (ideophone of Cowering; of Losing heart; 2. of Crouching). Usangoti duku sowatukwa: do not cower as though you had been scolded. dukununu kana dukuzuzu (ideophone of Cowering; 2. of Huddling together). Vakangoti dukununu pamoto: they huddled round the fire. dukwa, dakwazaza kana dukwazaza (ideophone of Sitting, crouching squatting in a hunched-up position). Kudukwaira (Hunch oneself - sitting standing, etc). duma kana gon'o (ideophone of Blunting). Kudumadza (Blunt. Notch or blade) zvichireva kugomadza kana kugon'odza. Kudumara (Become blunt). dumbi (ideophone of Chastening, subduing saddening). Ukatamba namaisva uchaswera wati dumbi: if you play with fire (lit: bad things) you will spend the day in a very subdued f rame of mind. dumbunu kana vhumbunu (ideophone of Revealing what should be kept hidden). dumbunuru (ideophone of Finding unexpectedly). Ndakati pf umo rainge rakadzama dumbunuru: I have f ound the lost spear. dundundu (ideophone of Being angry, sulky). dunduru kana tashu (ideophone of Being prominent, raised up on top of something. 2. of Filling - not solid container e.g. stomach). Akati dunduru pabhiza: he is on the horse. dunduzi (ideophone of Feeling one's way with a stick. Kudunduzira (Feel one's way with a stick). dungunu (ideophone of Being pleasing to the taste). Kudungunudza (Make tasty. Dungunudza tii neshuga: make the tea tasty by adding sugar). dunhu (ideophone of Chopping small branches). dunhu kana dinhu (ideophone of Releasing a pent-up f orce). dunzu (ideophone of Biting f rom something held in hand e.g. meat; 2. of Grazing on young shoots e.g. ruswiswi). Kudunzuka (1. Tear meat; 2. Be lacerated). Nyama yerunda haidunzuki: sinew cannot be torn with the teeth. dzadzanu (ideophone of Coming out f rom, or removing f rom, hiding place close to ground). Kudzadzanuka (Emerge f rom hiding place generally where subject was crouching). Dzadzanura (Remove f rom hiding place - generally close to ground). dzakariyata kana tsakata (ideophone of Going away and never returning- of Getting lost beyond recovery). dzaku (ideophone of Lif ting heavy object). Kudzakura (Lif t heavy object). Dzakutsaku kana madzakutsaku (Heavy person or object). dzamara (ideophone of Disappearing suddenly). Anga ari pano iye zvino uno, asi angoti dzamara: he was here just now, but he has disappeared. dzamarama (ideophone of Getting lost of Being conf used in speaking especially in giving evidence; 2. of Following and keeping in sight to the end. Akati nayo tsuro dzamarama: he kept the hare in sight till he caught it. dzamhu (ideo, see dzamu. 2. K of Removing something that adheres to hand or f oot of remover). Kudzamhura kana kudzamura. dzamu (ideophone of Taking a handf ul especially of objects that stick together). dzaswa (ideophone of Being casual, offband, in speech). Ndakati, "Ndipe chokudya," akati dzamwa zvake: I asked f or f ood and be seemed to take no notice. dzamwanya, dzamwata kana dzamwa. (ideophone of being casual, offhand, conf used in speech). Pakubvunzwa zvemhosva akadzamwarika: when questioned about his case he gave conf used and contradictory answers. dzangara dzangara (ideophone of disappearing suddenly as of f ading mist or mirage). Bute rakati dzangara dzangara: the mist suddenly f aded. dzengere dzengere (ideophone of Circling purposef ully). Dzengeredza (1. Make to circle. 2. Graze I cattle on one spot). Waswerodzengeredza mombe pasina uswa, kusaka dzine nzara. dzerere (ideophone of Turning round and ; round quickly). Kudzereredza (Turn round and round quickly) kureva kuzereredza. Kudzerereka (Turn round and round quickly). dzemberere kana zemberere (ideophone of Hanging by hands). Kudzemberera (Hang by one's hands) kureva kuzemberera. dzetu dzetu kana kana peya peya (ideophone of Swaying while walking). dzidzimu kana dzidziu (ideophone of Reviving). Kudzidzimuka (Revive f rom unconsciousness). Kudzidziuka, kudzidzimura, kudzidziutsa kanaa kudzidzimutsa. dzika (ideophone of Setting down gently). Akati dzika hari yohwahwa: she set down the pot of beer. dzika dzika (ideophone of becoming calm). Nhasi kunze kwakati dzika dzika: today the weather is very calm. dziridzidi (ideophone of Being slippery underfoot). Mamwe Mazwi: Dziridzididza (Make slippery underfoot). Kudziridzidika (Be slippery underfoot). dzirikiti (ideophone of Extinguishing, of Petering out (path). Mamwe Mazwi: Dzirikitidza (Put out, cause not to shine - of light and by other than normal polite method). Zvaakashatirwa akadzirikitidza mwenje: in his anger he put out the light. dzikiti (ideophone of Going down (f rom height to the ground; 2. of Being self -possessed; 3. of Presenting a gif t so heavy that it cannot be placed in receiver's hand but only on the ground). Akati mumuti kwaku, ndokuti pasi dzikiti. Kudzikitidza (Place heavy present on ground e.g. pot of beer). dzindi (ideophone of Working against; of Opposing). Akamuti dzindi achimurevera nhema: he worked against him by telling lies about him. dziva dziva (ideophone of Walking slowly - in search). Akati dziva dziva achitsvaga huni: he walked slowly looking f or firewood. dzobo (ideophone of Pecking). dzokono (ideophone of Turning back - retracing one's steps). dzomoto (ideophone of Fabricating a story. 2. of Talking nonsense). Kudzomotoka (Make up a story. Make f alse statement). dzororo kana sipiti (ideophone of Standing still). Kudzororodza (Make to stand still especially person). Kudzororoka kana kusipitika (Stand still). dzvemere kana dzvemete (ideophone of Being in close association). Imbwa inoti dzvemere natenzi wayo: a dog keeps close to its master. F f ashanu (ideophone of Coming out in quantity - animals, people, objects). Mbeva dzakati f ashanu kubuda mumwena: the mice poured out of their holes. Mbeu dzakati f ashanu kumera: all the young plants sprouted out of the ground together. Mamwe Mazwi: Kuf ashanudza (Cause to make a general exit. Kuf ashanuka (Come out many people, animals, objects, together). Zuva rati ravira, nyenyedzi ndokubva dzof ashanuka: as soon as the sun goes down all the stars appear. Kuf ashanura (Remove all contents, or inhabitants). f ashata (ideophone of Sitting cross-legged - stout person). Fashu (ideophone of Coming out in quantity - animals, people, objects; 2. Z of Boiling over; 3. of Slopping over). Kana mvura yomunhuruka yangoti ti, mbeu dzose dzinoti f ashu kumera: as soon as the first rains have f allen, all the seeds that we have planted appear above the ground. Mamwe Mazwi: Kuf ashanuka, kuf ashaira kana kupupira (Boil over; Slop over). f embu (ideophone of Sniffing. 2. of Suspecting). Mamwe Mazwi: kuf emba (sniffing). Kuf embuka kana kuf andanuka (Become known - something that was supposed to be kept very secret). Nyaya yakaf embuka: the matter has somehow become known. Kuf embura (Suspect. Have reason f or thinking that) kureva kuf ungira. Ndinof embura kuti ndimimakadyisa munda wangu: I have reason to think that you are the ones whose cattle ate my crops. f ema (ideophone of Growing stout - kana f eru; 2. of Cutting a part out of a whole). Mamwe Mazwi: Kuf emudza (Cause to remove a layer. Kuf emura (Take a layer especially spoonf ul of sadza). 2. Fatten). Femura hwada iri pamusoro uirase, ugosiya dzapasi dzinopisa: take off the top layer and throw it away, leaving the bottom layers that are still warm. Kuf emaruka (Become stout]] zvichireva kukobvumara kana kukora. f endekete (ideophone of Sitting down regardless of whether it be polite or convenient). Mamwe Mazwi: Kuf endeketeka (Sit down regardless of whether polite or convenient. f endu (ideophone of Sprouting simultaneously. 2. of Cutting a part out of a whole. Kuf endudza (Cause to sprout all together. 2. Cause someone to pare. Kuf endaka (Sprout all at the same time. 2. Be, or be able to be, pared). Vanhu vaf enduka kunhamo: all the people have gone together to the burial. Kuf endura (Pare e.g. f resh hide). f enenga (ideophone of Sitting on a very high place; 2. of Standing with stomach drawn in). Mamwe Mazwi: Kuf enenga (Hollow out e.g wooden plate). kureva kukokopf ora. Kuf enengadza (Draw in stomach). Kuf enengara (Stand with stornach drawn in). Kuf edemara (Sit on a very high place). Kuf enga (Become hollow-stomached through hunger. Draw in stomach) kureva kuf enengadza. f enenge (ideophone of Standing with stomach drawn in). Iti f enenge: breathe in. Akati paura f enenge sebete: he is as flat-stomached as a cockroach. f enenya (ideophone of Wrinkling nose - disdainf ully). Mamwe Mazwi: Kuf enenyedza. f enga (ideophone of Dilating nostrils). Mamwe Mazwi: Kuf enguka (Distend (nostrils). Kuf engura (Distend (nostrils). Kuf enga (Scrape and distend a pot in the making. 2. Pare) zvichireva kupanha. Amai vanof enga hari noruunzo kuti iite rnukati: my mother uses a special instrument f or scraping, and at the same time distending, the pot she is making, so that it will have a large volume. f erendende (ideophone of Being preoccupied. 2. f Dispersing (i) over large area (people and animals). Vanhu vakati f erendende muhwahwa mombe dzichidya minda: the people were blissf ully drinking while the cattle ate the growing crops. f erengu kana f ombo (ideophone of Hollowing out e.g. plate). f erenu (ideophone of Peeling - orange, cooked potato, etc; 2. of Swelling). Mamwe Mazwi: Kuf erenudza (Make to swell or grow f at. 2. Peel sof t skin). Nyemba dzinof erenudzwa nokunyikwa: cow-peas are made to swell by being soaked. Kuf erenuka (Swell all over; Grow stout; 2. Peel of sof t skin). Pandakatsva paf erenuka: the place where I was burnt has peeled. Kuf erenura (Peel orange, cooked potato, etc). f ove (ideophone of Collapsing inwards; of Being dented. 2. of Swallowing f ood whole). Kuf ovedza (Dent) kana kuf onyedza. Kuf oveka kana kuf overa (Collapse inwards). Harahwa ine nhama dzakaf oveka: an old man has hollowed cheeks. f ovi (ideophone of Swallowing whole). f ovo (ideophone of Shrivelling up potato). f ovovo (ideophone of Shrivelling potato; 2. of Collapsing inwards; 3. of Being convinced). Kuf ovova (Shrivel (potato). Dende zhuzhana rikatanhwa rinozoti f ovovo: if an unripe gourd is picked it will soon shrivel. Ndakamurondedzera, akati f ovovo kunyarara: I explained the matter to him and he was convinced. Fovovo (Shrivelled object i.e. juice dried up). Gore rino chibage maf ovovo bedzi: this year the maize is all shrivelled up. f ovoto (ideophone of Being sof t - f ruit going bad). Fovoto (Sof t object e.g. rotting f ruit). f ozo kana pf ozo (ideophone of Falling down f rom high up). Kuf ozedza, kuf ozora, kuf ozoka kana kupf ozoka (f rom a height). . Akaf ozoka mumuti akatyoka gumbo: he f ell f rom high up in a tree and broke his leg. f udyu kana dzvondo (ideophone of Opening eyes widely. 2. of Staring with eyes bulging). Kuf udyudza (Make eyes bulge) kureva kuudyura kana kudzvondora. Mapipi anof udyudza maziso: conjuring tricks make people's eyes bulge. Kuf udyuka (Bulge (eyes). Munhu uyu anorwara napamwoyo, ndosaka maziso ake achif udyuka: this person has a heart condition that is why his eyes bulge. f uf umu kana tuku (ideophone of Swelling; 2. of Rising water in river). Kuf uf umudza (Make to swell or rise). Mvura yakanaya kumusoro ndiyo yakaf uf umudza rwizi: the rain that f ell higher up has made the river rise. Kuf uf umuka (Swell. Rise of river or baking bread). Kuf uf umura (Cause to swell or rise). f ukata kana f ukati (ideophone of Turning away f rom - especially person; 2. of Embracing). Kuf ukata (Turn one's back on someone. Murume nomukadzi vakazof ukatirana: husband and wif e became estranged. Akaf ukatira mhepo: he turned his back to the wind. f ukushu (ideophone of Returning by the way one came). Kuf ukusudza (Make to retrace steps). Kuf ukusuka (Return by same way. Retrace one's steps). Kuf ukushuka rinownikwawo. Imbwa yandakatenga kwaSadza yakaf ukusuka ndokudzokera kwakare manheru. f umu (ideophone of Shaming - shocking moral sense). Kuf umudza kana kuf umura (Shame. Put to shame). Kuf umura kana kunyangadza (1. Shame, put to shame -shocking moral sense; 2. Spoil or cause to deteriorate). Kudobodedza miriwo kunoif umura: long boiling spoils vegetables. f undu (ideophone of Projecting e.g. hunch on back). Chitinha icho chakati f undu: that brick is out of line. Kuf undudza kana kuf undura (Stoop. Form a projection). f undu f undu (ideophone of Walking ostentatiously). f undumwa (ideophone of Being cross, sulky). Kuf undumwadza (Make to sulk). Kuf undumwara (Sulk, pout, be cross) kureva kunyetera kana kuf undumwika. Fundumwarwa (Sulky, gloomy person). G gon'o (ideophone of : 1. Becoming blunt; 2. of Blunting; 3. of Ref using to give; 4. of Striking a hollow-sounding blow - e.g. on the head with dry stick). Kugon'odza. gon'on'o (ideophone of Squatting with knees apart). Usagare wakati gon'on'o gonyo (ideophone of Bending out of shape). goma goma kana kata (ideophone of Piling up). Zvidhinha zvakati goma goma: the bricks have been piled high. gombe kana kombe (ideophone of Intercepting or Flanking; 2. of Weakening especially at knees). Itai mhuru gombe, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe. gori (ideophone of Being still and alone on a high place. 2. of Sitting unperturbed). gumba (ideophone of Embracing. 2. of Folding arms). gunduma kana ngundu (ideophone of Rumbling thunder). gunduru (ideophone of Finishing off - f ood or liquid; 2. of Rolling - especially heavy hollow object; 3. of Making resounding sound empty metal drum hit by stone or other drum). Gunduruka (1. Be, or be able to be, finished off - f ood or liquid; 2. Produce resounding sound - empty metal drum, not by being hit; 3. Roll on ground gen hollow object; 4. Move - many people together). gunduma (ideophone of Exposing what should be covered). gunduma (ideophone of Rumbling thunder). guwa (ideophone of Distressing; of Grieving). gurugundyu (ideophone of Swallowing noisily e.g. sadza). guruzu, bvenyu kana kuzvu. ideo of Abrading slightly. Kuguruzura (Abrade slightly) Vamwe vanoti kubvuruunda kana kukuzvura. guruzuzu (ideophone of Keeping very still e.g. owl on branch). gurwi kana tangarwi (ideophone of Swallowing noisily e.g. sadza). gurwada? (ideophone of Kneeling reverently to present something to someone. 2. of Falling to knees weakly). gutsu, kumu kana gusu (ideophone of Nodding in agreement; 2. of Nodding with sleep). Kukumura kugusuka, kugutsura kana kuguswaira (Nod head in agreement). guumu (ideophone of Separating one thing that clings e.g. by tapping). Guumudza (Tap e.g. base of container to remove last of contents). Guumudza f odya yasara mukasha: gwachata kana gwachara (ideo, of Falling through weakness). gwada (ideophone of Kneeling - on one, or on two knees). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Magwada? gwadara (ideophone of , 1. Falling in a heap - f rom standing position, in two movements: first to knees then to ground - person or animal; 2. of Falling on knees). gwadi kana kwede (ideophone of Fitting). gwadu (ideophone of Breaking off an object f rom where it has been permanently fixed e.g part of plough when it hits stump). Kugwadudza kana kugwadura. Kugwaduka kana kugweduka (Be, or be able to be, broken off f rom fixed or proper place). gwedegwe kana njenje (ideophone of Being equal in size). gwedere gwedere (ideophone of Walking f eebly (person or animal). Kugwederedza (Make to walk in the way an enf eebled person or animal does). gweje (ideophone of Interlocking horns, truck couplings, etc.; 2. of Rumbling e.g. wagon moving on uneven surface). Handira dzakati gweje: the bulls locked horns. gwanan'wana kana gwenen'wene (ideophone of Being wide awake; of Shining .e.g sungen af ter rain). gweredede kana sesepu (ideophone of Having smooth, sof t consistency). Dovi rakanyatsoti gweredede: the monkey-nut butter has a very fine consistency gwiri (ideophone of Starting to f ollow a spoor; 2. of Setting out on a Journey). M mangu kana pamupamu (ideophone of Filling container of any kind with anything). Kumangudza kana kukabura (Fill to brim). Kumanguka (Get filled f ull). mangu (Taking big bite of sof t object e.g sweet). Mamwe Mazwi: Kumanguka (Be, or be able to be, bitten -sof t object).Kumangura (Take a large bite of sof t object e.g. apple). mbu (ideophone of Cutting off short piece e.g. of dried meat). mbu-u (ideophone of Being extremely white. 2. M of Being clean - laundry). Musoro waSekuru vachena kuti mbu-u: grandf ather's head is as white as snow. mbu (ideophone of Dropping dead). Nhoro yakati muuswa mbu: the kudu f ell dead in the grass. mbumu (ideophone of Blowing out e.g. smoke; 2. of Grazing (touching lightly). Akati utsi mbumu: he blew smoke out (tobacco). Chapungu chakati hanga mbumu: the batleur eagle swooped and grazed the guineaf owl. Mazwi anotodzana anoti: kumbumura, kumbumudza, kumbumuka - (Graze; brush lightly especially with hand). Akamudenha nokumbumura musoro. mbumuzu (ideophone of Striking glancing blow). Kumbumuzura (Strike glancing blow). Gondo rakambumuzura huku: the hawk swooped on the f owl and struck it a glancing blow. mburetete kana mbure (ideophone of Being very white). Jenaguru rakati mburetete: the f ull moon is very white. mhanhara (ideophone of Landing nearby af ter jumping (something unwelcome). mhanharidza [L]Z v t Make something unwelcome land nearby. Kumhanharika (Land nearby, af ter jumping - something unwelcome). Nya tororo (ideo Being straight e.g. path). Tande Tsepete Zete (ideophone f or sitting comf ortably)