ARCHDIOCESE OF HARARE ST MONICA PARISH CHITUNGWIZA THE MODULAR SYSTEM OF CATECHESIM MODULE 12 (CHISIMBISO) Test One 1. Pentecost zvinorevei? A. Kuburuka kwamweya Mutsvene B. Sangano raMweya Mutsvene C. Mazuva makumi mashanu D. Mazvuva makumi mana 2. Chii chakaitika paPentecost? A. Kristo akamuka muvafi B. Mweya Mutsvene akaburuka pana vaPositori C. Kristo akapenya pagomo D. Moses akapa vanhu mutemo gumi pagomo reSinai 3. Zita ramweya mutsvene rechirungu rokuti the Sanctifier rinonzi chii neChishona? A. Mweya Mutsvene B. Mweya wechokwadi C. Mweya munyaradzi D. Mweya musandisi 4. Chipo chaMweya Mutsvene cheushingi chinonzi chii nechirungu? A. Fortitude B. Counsel C. Fear of God D. Wisdom 5. Pane zvinotevera ndechipi chisiri chipo chaMweya Mutsvene? A. Rugare B. Kupa zano C. Ruzivo D. Kutya Mwari 6. Zvose zvakanyorwa apa zvinoti; Rugare, moyo chena, kugoverana nevamwe, unaki, kumirira, rupfave, rufaro, rutendeseko, utsvene, kurongeka, kuzvibata, kubatsira vanotambura. A. Zvipo zvaMweya Mutsvene B. Mutemo inegumi C. Zvibereko zvaMweya Mutsvene D. Masakaramende manomwe 7. Tipe zvimisikidzo zvina zvekirike (four pillars of the church) zvinoita kuti rive kirike rechokwadi A. Rakanaka, rinokomborera, rinodzidzisa, rinorapa B. Iguru, rinoremekedzwa, nderechokwadi, rinoera C. Rimwechete, idzene, rikatorike, ravapositori D. Rinoshoreka, rinotyisa, rinosuwisa,rinorwadza 8. Tinoziva sei kuti kirike idzvene? A. Rinowonikwa kose kose B. Rimwechete C. Rine magamuchidzanwa D. Rine masakaramende manomwe akadzikinurwa naKristo 9. Kuti kirike rikatorike (catholic) zvinorevei neChishona? A. Idzvene B. Rakatekeshera C. Rimwechete D. nderaVaPositori 10. kirike rinonzi ndereVaPositori nemhaka yeyi? A. Rinotevedza magamuchidzanwa avapositori B. Ndere muafrica chete C. Rinotevedza zvipo zvaMweya Mutsvene D. Nderevarungu voga 11. Ndeipi kanzuru yakaburitsa kuti vanhu vanobhabhatidzwa kana chete vachitendera kuti Kristo akatifira pachipiyaniso akamuka akatipa upenyu hutsva zvisina basa kuti munhu akadzingiswa here kana kuti kwete? A. Council of Jerusalem AD50 B. Council of Nicaeca AD325 C. Council of Trent AD1545-1563 12. Kanzuru yeJerusalem yakaitwa mugore ripi A. AD 50 B. AD 325 C. AD 431 13. Ndeipi nyaya huru yainetsa yakazonzera kuti kudaidzwe kanzuru yeJerusalem? A. Nyaya yekugamuchira muviri neropa raKristo B. Nyaya yekubhabhatidwa kwevana vacheche C. Nyaya yekudzingiswa(male circumcision) kuti munhu angabhabhatidzwe here iye asina kudzingiswa 14. Dzidziso dzenhema dzinoitwa nevanhu muchurch dzinonzi chii? A. Doctrine B. Heresy C. Dogma 15. Ndiani aidzidzisa dzidziso dzenhema zvakakonzera kuti kuve nekanzuru yeNicaea? A. Paul B. Arius C. Nestorius 16. Dzidziso dzaArius dzenhema idzi dzinonzi chii? A. Pauline heresy B. Arian heresy C. Nestorian heresy 17. Kanzuru yeNicaea yakaitwa gore ripi? A. AD 50 B. AD 431 C. AD 325 18. Arius aidzidzisa nhema dzekuti kudii? A. Kuti munhu anofanira kutanga adzingiswa ozobhabhatidzwa B. Kuti Maria havasi amai vaKristo C. Kuti Kristo haasi Mwari 19. Ndeupi munamato mukuru wakabuda pakanzuru yeNicaea? A. Kwaziwai Maria B. Baba vedu murikudenga C. Tinotendera Mwari 20. Kanzuru yekuEphesus yakaitwa rinhi? A. AD 50 B. AD 325 C. AD 413 21. Dzidziso dzenhema dzainzi Nestorian heresy dzaidzidziswa nani? A. Arius B. Nestorius C. Paul 22. Nestorius aidzidzisa nhema dzekuti kudii? A. Kuti Kristo haasi Mwari B. Kuti mai Maria havasi amai vaMwari C. Kuti Mweya mutsvene haasi Mwari 23. Kuti mai Maria ndiamai vaMwari zvinonzi chii nechiLatin? A. Christokos B. Theotokos C. Persona Christi 24. Kanzuru yeChakedon yakaitwa rinhi? A. AD 451 B. AD 431 C. AD 50 25. Ndeipi kanzuru yakadzidzisa kuti Kristo ndiMwari azere uye munhu azere A. Council of Nicaea B. Council of Constantinople C. Council of Chalcedon 26. Kirike reLutherine rakatangwa nani? A. John Calvin B. Martin Luther C. Jonh Wesley 27. Martin Luther aiva mupriste wechita chinonzi chii? A. Benedictine Monks B. Angustinean Monk C. Franciscans 28. Ndiyani akatanga kereke reMethodist? A. John Calvin B. Martin Luther C. John Wesley 29. Doma masakaramende emhinzo A. Rubhabhatidzo, chisimbisa, rupinduko B. Rubhabhatidzo, chisimbiso, yukaritsiya sande C. Muchato, ugadzo, chisimbiso 30. Pane masakaramende anotevera nderipi risiri sakaramende rekurapa A. Muchato B. Rupinduko C. Chizorwa chavarwere 31. Muchato nougadzo masakaramende ari muchikamu chinonzi chii? A. Emhinzo B. Ekurapa C. Ekubatsira sangano 32. Ndiani anosimbiswa? A. Munhu wose asina kubhabhatidzwa asi achida kusimbiswa B. Uyo akabhabhatidzwa asati asimbiswa C. Munhu akasimbiswa asi asingagamuchiri masakaramende 33. Ndiyani anosimbisa? A. Mukatikisti mukuru B. Mupriste wesangano C. Mubhishop wesangano 34. Maitiro echisimbiso anotanga nakudzokorora mhiko dzipi? A. Dzebaptism nekuita chipupuriro chechitendero B. Dzemuchato neuita nekuita hwayana yaMwari C. Dzechita nekuita kwaziwai Maria 35. Vanosimbiswa vanozorwa mafuta api? A. Chrism oil/oil of the chrism B. Catechumen oil C. Oil of the sick 36. Tipe form yesakaramende rechisimbisi A. Mafuta echrisma B. Mazwi ekuti “Peter gamuchira chipo chamweya mutsvene chinobva kuna Mwari, rugare ngaruve newe.” C. Mazwi ekuti “John ndinokubhabhatidza muzita rababa nemwanakomana namweya musande.” 37. Tipe matter yesakaramende rechisimbiso A. Mvura B. Chingwa newaini C. Mafuta echrisma 38. Munhu anosimbiswa anofanira kutanga aita sei? A. Abhadhara mari yestoke fee B. Aita rupinduko C. Apfeka uniform yechita 39. Munhu anosimbiswa anofanira kuva nemubatidzi wake. Mubatidzi uyu anonzi chii pachirungu? A. Helper B. Sponsor C. Director 40. Liturgical colour yechisimbiso ndeipi? A. Red B. Green C. White 41. Kuti kirike rimwe chete zvinorevei? A. Akadzikwa akawanda asi vachitevera Kristo mumwechete B. Rakadzikwa riri rimwechete asi iyezvino rava navana papa vakawanda C. Rakadzikwa riri rimwe chete saka rinogara riri rimwechete riina papa mumwechete nemaitiro mamwechete 42. Kirike rakatekeshera pasi rose nguva dzose nekumarudzi ose (spreads to all places, all times and all people). Izvi zvinonzi chii? A. Apostolic B. Catholic C. Holy 43. Kirike rakadzikwa nani? A. NaPope Francis B. NaAbraham C. NaKristo 44. Kirike rinotevera magamuchidzanwa avapositori, avana papa vose kubva pana Peter, papa vokutanga kusvika pana Francis papa aripo iyezvino? Izvi zvinonzi chii? A. Apostolic B. Catholic C. Holy 45. Kirike rakatanga basa rarakapihwa naKristo rinhi? A. PaPentecost B. PaEaster C. PaChrismas 46. Sei kirike rakazotanga paPentecost A. Nokuti vaitya vaYudah B. Vanhu vaiva vashoma C. Raiva rakamirira kuuya kwaMweya Mutsene 47. Chii chakaitika paPentecost? A. Kristo akamuka muvafi B. Mweya Mutsvene akaburuka pana vapositori C. Mai Mariya vakabereka mwana Yesu mupositori 48. Ndeipi kanzuru yakaronga masakaramende ari manomwe sezvaari nhasi? A. Council of Nicaea B. Council of Chalcedon C. Council of Trent 49. Ndeipi kanzuru yakapa pasasimba rokuti haana chaanotadza? A. Council of Trent B. First Vatican Council C. Second Vatican Council 50. Simba raPapa rokuti haakanganisi rinonzi chii? A. The dogma of the infallibility B. The dogma of the immaculate conception C. The dogma of the perpetual virginity THE END