Mwana wekutanga kuzvarwa mumhuri anonzi *dangwe.* ● Mwana wekupedzisira kuzvarwa mumhuri anonzi *gotwe.* ● Mwanakomana waMambo wekutanga kuzvarwa mumhuri anonzi *nevanji.* ● Mwanasikana waMambo (Murozvi) anonzi *vaMoyo).* ●Munda mutsva unonzi *gombo.* ● Tinorima nzungu nenyimo *mutseu.* ● Tinorima muriwo *mubindu.* ● Munda waimborimwa kare unonzi *gura.* ●Tinorima mupunga *mudoro.* ● Murume abve zera anonoka kuroora anonzi *tsvimborume.* ● *Mhanje* mukadzi asingabereki. ● *Ngomwa* murume asingabereki. ● *Pfunda* murume akafirwa nemukadzi. ● Mukadzi akafirwa nemurume anonzi *chirikadzi.* ●*Nherera* mwana akafirwa nevabereki. ● *Musiyiwa* munhu akafirwa. ● *Tsiru* imombe hadzi isati yabereka. ● Mombe hono inosungwa inonzi *dhonza.* ● *Mhou* imombe hadzi inobereka. ● *Ramba* imombe hadzi isingabereki. ● *Mufushwa* muriwo wakaomeswa. ● Nyama yakaomeswa inonzi *chimukuyu.* ● *Shupa* izai risingatsotsonywi. ● *Gavamwedzi* mwana anozvarwa nguva isati yasvika. ● Nyemba isingaibvi inonzi *nhinhi.* ● *Manda* mafuta enyama. ● *Horomba* igudo guru rinofamba roga. ● *Chitunha* muviri wemunhu akafa. ● Munhu asinganzwi anonzi *matsi.* ● Pakabva zino panosara *vende* kana kuti *nyada.* ● *Bofu* munhu asingaoni. ● *Chimumumu* munhu asingatauri. ● Mwana anozvarwa akafa anonzi *gambe.* ● Makudo anorara *pachiro.* ● *Nzuma* imombe isina nyanga. ● *Tsote* imhuka hadzi isingabereki. ● Mombe hono isina kuchekwa inonzi *handa.* ● *Dore* imombe yakwegura. ●Munin'ina kana mukoma wemurume wako anonzi *muramu.* ● Mukadzi washe anoroorwa mushure mewokutanga anonzi *vagota.* ● Mukadzi washe wokutanga anonzi *mukaranga.* ● *Vahosi* mukadzi mukuru paguru. ● *Murongo* mukadzi mutsva. ●*Nyachide* mukadzi anodiwa zvikuru pabarika. ● *Mukurungai* mubereki wemuroora wako, kana kuti vabereki wemukwasha wako. ● *Gota* imba inorara vakomana. ● *Nhanga* imba inorara vasikana. ●Murume akwegura anonzi *harahwa.* ● Mukadzi akwegura anonzi *chembere.* ●Musikana adarika zera rokuroorwa anonzi *tsikombi.* ● Musikana asingaroorwi anonzi *mbonga.* ● Mwana anotanga kumera mazino ekumusoro anonzi *durika.* ● Munhu akafa karekare anonzi *mukare.* ● Wedzinza rako akafa karekare anonzi *tateguru.* ● Munhu akura asi asingaratidzi kuchembera anonzi *goremucheche.* ●Nzvimbo inobikirwa hwahwa inonzi *bikiro.* ● *Bombwe* mukadzi anomiririra panoroorana vaviri. ● *Fende* munhu anehutsvina. ● *Bondwe* mukadzi wechipiri pabarika ari munin'ina wemukadzi wekutanga. ● Muripo unopiwa ishe kana achitonga nyaya unonzi *chirigo.* ● *Bakuro* chipo chemombe chinopiwa amai vomudzimai nomukuwasha. ● *Chigadzamapfihwa* mukadzi wenhaka. ● *Chimutsamapfiwa* mukadzi asi ari hama yemukadzi akashaika anouya kuzoroorwa nemurume akafirwa. ● *Chimwayange* munhu anotaurisa uye achinyepa. ● *Humburukwa* murume akafirwa nemukadzi. ● *Gwevedzi* munhu anotumwa nemumwe kundomupfimbira musikana. ● *Mbeveve* munhu asingatauri. ● Kana musikana nemukomana vadanana, vanopana nhumbi dzinonzi *nduma* sechiratidzo cherudo rwavo. ● *Nyachide* mukadzi anonyanyodiwa nemurume kupinda vamwe vese pabarika kana kuti pachipari. ● Mukadzi mudiki paguru anonzi *mukadzinyina.* ● *Gupuro* imari kana chinhu chinobviswa nemurumce kuratidza kuti haachadi mukadzi wake. ● *Chekaukama* imombe, kazhinji chena isina vara, inobviswa nemurume anenge achida kuroora musikana waane ukama naye. ● *Danga* imombe dzinobviswa nemukuwasha seroora. ● Mukadzi akambozvara, asi zvikuru asiri pamurume anonzi *mvana.* ● Munhu anotumwa kufambisa mashoko pakati pemhuri dziri kuroorerana anonzi *sadombo.* ● *Barika* kana kuti *guru* musha une vakadzi vaviri kana vazhinji pamurume mumwe chete, panguva imwe chete. ● Munhukadzi achangobva mukuzvara anonzi *muzvere.* ● Munhu anotya zvikuru anonzi *gwara.* ● *Mhizha* inyanzvi yekugadzira zvinhu zvesimbi. ● *Charavanda* mukaka mumbishi kana wakakora unomwiwa kana kudyiwa vanhu vapedza kusvusvura. ● *Chifemba* idoro rinotanga kupiwa vanhu, kazhinji panhimbe. ● Doro rinopiwa vanhu vari pakati pokurima pahumwe rinonzi *chiwanano.* ● Kudya kwamanheru vanhu vasati vavata kunonzi *chirairo.* ● Kudya kwavanhu kwamangwanani kunonzi *chisvusvuro.* ● *Hurudza* murimi anemukurumbira. ● *Nyamukuta* munhu anoita basa rekubatsira vakadzi pakuzvara. ● *Chirara* indima inosara isina kurimwa pakati pedzakarimwa. ●*Dongo* musha wakatamiwa.