Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari Misambo yeVaShona Izwi rokutanga Misambo yeVaShona ibhuku rakanyorwa richitevera urongwa hutsva hwavemo muzvidzidzo zveMitauro yedu yemuno muZimbabwe. Misambo zvinoreva maitiro kana mararamiro. Maitiro aya ndiwo ari kuumba chinyorwa chino kubva kumararamiro avo kare zvichibatana nemararamiro avari kuita mazuva ano muhupenyu hwemakore ano eshanduko nekuwanda kwenjere. Bhuku rino richabata misambo kana kuti mararamiro akasiyana-siyana akadudzwa neurongwa hwechidzidzo cheMitauro yemuZimbabwe asi rakanangana nechidzidzo cheChiShona chevana vesekondari. Kuverenga bhuku rino kuchakubatsira kuti uve neruzivo rwemaitiro eVaShona muupenyu hwavo hwekare nehwavava kurarama nhasi. Zivo imweyo inobatsirawo mwana wechikoro kuti agone kupindura pepa rake repiri zvakanaka. Chikamu chemisambo chikamu chichiri kuomera vanhu vakawanda asi bhuku rino richaedza kuisa pachena zvose zvingabatsira mwana kuti agone kuzosangana nemibvunzo panopera danho rino re’O’level. 1|Page Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari 5.0 MHURI Zvinangwa Kutsanangura kuti mhuri chii. Kudoma nekutsanangura mhando sere dzemhuri Kutsanangura zvakakoshera mhuri Kutsanangura zvakakoshera umwe neumwe mumhuri 5.1 Mhuri Chii? Iboka revanhu vane hukama hunovaunza pamwe chete. 5.2 Mhuri Muchinyakare Chivanhu chedu chaikoshesa kuvapo kwababa, amai nevana kuti panzi pave nemhuri. Hayaitorwa semhuri kana paishaikwa mwana saka paiyedzwa zvakasiyana-siyana kuti pave nevana zvaigona kusanganisira kupindira kana kupiwa chigadzamapfihwa kuti pave nevana. Vana vaikosheswa chose nekuti vaiti hapana dzinza raikura kana paishaikwa vana. Mukomana ainzi ndiye aitakura zita redzinza achiriendesa mberi. Saka mwanakomana aifanirwa kuwanikwa mumhuri. Ndicho chimwe chezvikonzero zvaiita kuti pave nemaparika. Vanasikana vainzi ndavana mandipfumisa. Kana kwaiita nzara zvaive nyore kuwana kune vaiva nazvo kana mwanasikana aivepo. Kuwanda kwevanasikana kwaiva kuwandawo kwepfuma yaitarisirwa kupinda mumusha kana vana ava vaizoroorwa. Kuroorana kwaitaura mavambo emhuri. Mhuri yaitarisirwa kuonekwa apa yaifanirwa kusanganisira baba, amai nevana. Hazvireve kuti dzimwe mhando dzemhuri dzaisavepo, asi kuti chivanhu chedu hachaikoshesa dzimwe mhando 2|Page Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari dzemhuri nekuti dzaitorwa sedzakaperevedza dzisina kuzara. Ndicho chikonzero chaiita kuti pakosheswe nyaya dzekugara nhaka kuti mhuri dzinzi dzine vabereki vose vakakwana. Chizvinozvino chakauya nekusandura zvinhu. Dzimwewo mhando dzemhuri dzose dzaisakosheswa semhuri dzave kukosheswawo. Idzi dzinosanganisira dziri pazasi; 5.3 Mhando Dzemhuri a) b) c) d) e) f) Mhuri ina baba amai nevana Iyi imhuri ine vabereki vose vaviri nevana vari pasi pavo vachigara pamusha mumwe chete semhuri. Mhuri ine vabereki chete Iyi imhuri ine vabereki chete vasina vana nekuda kwezvikonzero. Inogona kuve sarudzo yavo yokusaita vana sezvaveko mazuva ano kana kuti mwana ashaikwa nekushaya mbereko kana kufirwa nevana. Mhuri yemubereki umwe nevana Mubereki anogona kuve umwe nevana. Izvi zvinogona kubva mukurambana kana kuti kufirwa kana kuti inogona kuve imwe yesarudzo dzave kutorwa nevechimanjemanje vanoona sokuti kuita roodzi kunovhiringa mafaro avo kana kuti kunovavhiringira pfuma dzavo dzavanenge vaita. Saka ava vanongotsvaka vokungoita navo vana asi pasina roodzi vachigara kwavo ivowo vachigara nevana vavo. Mhuri dzakabatana kuumba imwe Iyi imhuri inoumbwa nemurume nemukadzi vane vana vavo kubva kune mamwe maroodzi avaimbove. Zvino umwe neumwe anenge auya achizvuva sanzu rake, vobatanidza mhuri dzavo kuumba mhuri imwe chete. Mhuri ine vana chete Mhuri dzakadai dzawanda mazuva ano. Vana vanogona kuita mhuri vari voga nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kufirwa nevabereki vosara vave nherera kana kusiiwa voga vabereki vaenda kunoshava mhiri sezvatandira munyika yedu yeZimbabwe. Mhuri dzevana vanochengetwa 3|Page Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari Idzi imhuri dzevana vaye vanotorwa vochengetwa munzvimbo dzakagadzirirwa kurerera nekukudzira vana ivavo. Mumisha iyi mune vakuru vanoita basa rekuchengeta vana ivavo sevabereki vavo. g) h) Mhuri ina baba, amai, vana uye dzimwe hama Iyi imhuri yakati kurei inosanganisira dzimwewo hama. Iyi ndiyo mhuri yakagara ichikosheswa kana tava kutaura zvoukama hwedu hweChiVanhu. PaChiVanhu chedu tinokoshesa kuva nehama dzakawanda kuti munhu ararame zvakanaka. Hama idzi dzinotarisirwa kubatsira kana paita dambudziko rinoda vabatsiri. Hama idzi dzinobata divi rababa vako rose neraamai vako. Saka mhuri inogona kuve nababa, amai, vana vavo uyewo dzimwe hama kubva kumativi atataura aya. Mhuri yebarika Iyi imhuri ina baba nevakadzi nevana. Chivanhu chedu chinotendera kuti murume aite vakadzi vanodarika umwe kana achizvida hake. Izvi zvinobva zvatipa mhuri dzemhando yebarika. 5.4 Kukosha Kwemhuri Mhuri ndidzo dzinotiumba kuti tive vanhu vakakwanira kusangana nehupenyu. Dzinotiumba nezvinhu zvatingaisa muzvikwata zvitatu zvinoita kuti tive vanhu vanokwanisa kugara mumhuri nekugarawo munharaunda nevamwe zvakanaka; 1) Zvinobatika Mhuri dzedu dzakatikoshera nekuti dzinotishavira zvose zvinobatika zvatinoda muupenyu hwedu kuti huendeke. Izvi zvinosanganisira mbatya, zvokudya, nepekugara nezvimwe zvinobatika zvatingade. 2) Zvemagariro edu nevamwe Mhuri dzedu dzine basa rekutiumba kuti tive vanhu vakakwanira kugara nevamwe zvakanaka. Izvi zvinobudirira kana munhu akave nematauriro akanaka, magariro akanaka nevamwe uyewo kugona kuzvisarudzira. Saka 4|Page Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari ibasa remhuri kutidzidzisa matauriro kuti magariro edu nevamwe ange akanaka mumhuri kana munharaunda. 3) Zvemanzwiro Mhuri dzedu dzinogadzirisa divi remanzwiro edu nokutiumbawo kuve vanhu vanoyemurika. Izvi zvinobata-bata mukati medu matisingagoni kubata kana kuona. Mukati medu kana kuti matinoti mumwoyo kana kuti muhana medu mune chekuita nemanzwiro atinoita akasiyana-siyana sokunzwa rudo, kunzwa kugutsikana kana kunzwa kufara. Izvi munhu anozvinzwa kwete nenzeve asi kuti maari. Mhuri dzedu dzinobatsira kutiumba mune izvi nezvatinoona nekudzidza kubva kuvabereki vedu sokuti tinodzidza kuitirana rudo kubva pane zvinenge zvichiitika mumhuri medu. 5.5 Zvakakoshera Vakuru Mumhuri. Vakuru mumhuri vanogona kuva baba naamai, vanasekuru navanambuya kana vanatete, vanamainini, vanababamunini, babamukuru, mukoma, hanzvadzi, tete kana vamwewo vanochengeta nekutiriritira vadiki. Ndivo vanobereka vana. Vanhu vakuru vanoriritira vadiki. Ava ndivo vanotsvagira mhuri zvinobatika zvingadiwe kuti upenyu hwemhuri yose huyendeke zvinosanganisira pokugara, zvipfeko nezvokudya. Ava vanofanirwawo kudzidzisa vadiki kuti vave negwara rakanaka roupenyu. Ndivozve vanofanirwa kugadzira mitemo yezvinofanirwa kutevedzwa pamusha kuti pagarike zvakanaka. Vanofanirwa kuona kuti umwe neumwe wevadiki pamusha ipapo atevedza mitemo yavakatara. Kana mitemo yatyorwa vanofanirwa kuisa zvirango zvinoita kuti vatyori vemitemo vasazoityora zvakare. Ndivo mucherechedzo weraramo kuvadiki vane basa rekuturira raramirwo yehupenyu yakanaka kuvadiki vari mumhuri. 5|Page Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari 5.6 Zvakakoshera Vadiki Nevamwe Vose Mumhuri Chikwata ichi chine vanhu vanosanganisira vana mumhuri iyoyo kana dzimwewo hama dzinouya kuzogara mumhuri dzedu. Ava vanotarisirwa; Kucherechedza mitemo yakatarwa mumhuri dzavanenge vauya kuzogara nadzo. Vanotarisirwawo kuita mabasa epamba anosanganisira kuchengeta vacheche kana vabereki vavo vaenda kumabasa, kudiridza mapindu, kugeza michovha, kutsvaira dzimba nekusuka ndiro nemamwewo mabasa avangagone kuita kurerutsira vakuru vavanogara navo. Ndivo vanotakura chisveru chekuenda mberi nedzinza/ mhuri saka vanofanirwa kudzidza mararamiro akanaka kubva kuvakuru. 5.7 Kupindura Mibvunzo 1. 2. 3. 4. 5. Chii chinonzi mhuri? [1] Doma mhando sere dzemhuri dzawadzidza [4] Sei mhuri dzaisava nevana dzaisakosheswa semhuri? [2] Mhuri yakakosherei kunharaunda? [2] Mhuri tinogona kuona mune mapoka maviri evanhu anoti revariritirwi nerevariritiri. Tsanangura zvakakoshera boka imwe nerimwe kumhuri. [4] 6. Tsanangura matambudziko anosangana nemhuri dzevana vanochengetwa. [4] 7. Donongodza zvikonzero zvekuvepo kwemhuri dzine mubereki umwe. [4] 6|Page Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari 8.0 NZIRA DZOKUFAMBISA MASHOKO Zvinangwa Kudoma nzira nhatu huru dzekufambiswa kwemashoko. Kutsanangura kufambiswa kwemashoko kwanhasi nekwakare. Kudoma zviga zvishanu zvekucherechedza pakufamba. kwemashoko. Kutsanangura kufamba kwemashoko mumagariro. 8.1 Kufambisa Mashoko Uku kuita kuti mashoko, mazwi kana zvatinofunga zvigone kuzivikanwawo nevamwe. Izvi zvinogona kuitika kuburikidza nekutaura, kunyora kana micherechedzo. Nzira huru dzemafambisirwo emashoko 7|Page naNick Mufutumari kufambiswa kwemashoko Misambo yeVaShona ‘O’ Level kutaura kunyora micherechedzo Kubva pamusoro taona kuti mashoko anogona kufambiswa ne; a) Kutaura Uku kufambisa mazwi anonzwika atingataura anotakura pfungwa dzatiri kuda kuti dzisvike kwadzinofanirwa kusvika. Muteereri wedu kana ari pedyo nesu zvinoita nyore nekuti anozvinzwira tichitaura. Kana muteereri asiri pedyo zvinoreva kuti panofanirwa kutsvagwa maendeserwo emashoko ekutaura aya kwaari nenzira inoita kuti asvike ari ekutaura anonzwika saizvozvo. Ndipo panozoshandiswa nhume dzinonotaura zvarehwa kana kushandiswa mawairesi, nhare kana materevhizheni anodaidzira mazwi ari kutaurwa nemutauri panguva iyoyo. b) Kunyora Aya mazwi chaiwo emunhu anonyorwa papepa anotaura chaizvo zviri mupfungwa dzemunyori. Zvinyorwa zvinoenda kumuteereri zviri mumhando dzakasiyana-siya dzinogona kuverengeka kumutambiri wemashoko. Zvinyorwa zvinogona kuve zvepapepa kana kuti zvinogona kuve zvinyorwambozha zvatave kuona pamakombiyuta, panharembozha, pamaterevhizheni nepane zvimwewo 8|Page Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari zvitakuramazwi zvakasiyana siyana zvave kushandiswa nevanhu mazuva ano. Zvinyorwa zvinogona kuve tsamba, mabhuku kana mapepanhau. c) Micherechedzo Uku kutaura asi pasina mazwi kwatingaite tichishandisa micherechedzo yakasiyana- siyana ine zvainomirira zvinozivikanwa pakati pemutumiri wemashoko nemutambiri wemashoko. Micherechedzo yatingashandise inosanganisira kuita kwedu nemiviri kungave nechirevo, mifananidzo , zvinorira, ruvara, moto, nezvimwewo. 8.2 Tinofambisirei Mashoko Tinofambisa mashoko kuitira kuti; Tipanane pfungwa dzinoita kuti kurarama kwedu kuve nyore. kuti tive neukama hwakanaka nevamwe vatinopanana navo mashoko. kuti tigone kuchengetedza ukama hwatinanhwo nevamwe. 8.3 Zviga Zvekucherechedza Pakufambisa Mashoko - kuti mashoko anoenda kuna ani. - kuti mashoko anoda kufambiswa ndeemhando ipi. - nguva yatingade kuti mashoko ange asvika. - kunzwisisika kwemashoko nenzira iyoyo. - kuwana kwedu mhinduro. 8.4 Nzira DzeKufambiswa Kwemashoko Mazuva Ano Mazuva ano mashoko anofambiswa nenzira nhatu dziri pamusoro dzinoti, kunyora, kutaura nemicherechedzo. 8.4.1 Mhando DzeKutaura Kunofambisa Mashoko Mazuva Ano. Nguva nenguva tinofambisa mashoko nekutaura toga kuvateereri vedu. Kana tatadza kutaura toga tinotsvaka dzimwe nzira dzakatirerukira asi dzinoita kuti mashoko edu ekutaura afambe sedzinotevera; 8.4.1.1 Nhume Pane nguva dzatinoona zvakakodzera kuti tifambise mashoko edu nenhume zvichida nekuti isu toga takundika kusvitsa mazwi toga nekuda kwezvikonzero 9|Page Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari zvakasiyana-siyana. Pakadaro tinotsvaga nhume kuti dzitifambisire mashoko edu chaiwo atinenge tataura. Kana pachiita zvemaroodzi panotumirwa nhume dzevanyai. Vanyai vanokwanisa kutaura navanatezvara vemukuwasha vachifambisa mazwi angave emaroodzi kana kufambisa mazwi ekuparara kwemaroodzi kumadzitezvara. Vanhu vatinogara navo mazuva ose tinovashandisa kuve nhume dzedu dzinonotaura mashoko kuvanhu vakasiyana-siyana kuti hupenyu hwedu hufambe zvakanaka. Vana, vazukuru, vanin’ina kana vakuwasha vedu kana dzimwewo hama tinovatuma kuti vatifambisire mashoko edu nekunotaura zvatinenge tataura. Tinozosarudza nhumwa chaiyo ingagone kufambisa mashoko anenge aripo zvichibva nehuremu kana nekukosha kwemashoko anenge aripo. Nhume dzakanakira kuti kana shoko rakarema dzinogadzirisa kuti dzisvitse rinotaurika. Izvi zvinoipira kuti mazwi chaiwo anenge atumirwa anenge atokanganisika. Pane kungokanganisa mazwi ari kufambiswa nhume dzinogona kunonoka kusvika kana kunonoka kudzoka nemhinduro kana kudzokawo nemhinduro yava nemamwe mazwi asina kutaurwa chaiwo zvoita kuti kunzwisisa mashoko atumirwa kukanganisike. 8.4.1.2 Nhare Tinokwanisa kufambisawo mashoko ekutaura nekutaura nevateereri tiri panhare. Nhare dzinofambisa mashoko edu chaiwo kuvanhu vatinenge tichitaura navo. Mhinduro tinobva tadziwana ipapo ipapo pasina zvokumbomirira kuti tizoiwana. Nhare dzinogona kuve nharembozha kana nhare dzepanzvimbo. Nharembozha ndidzo dziri kutonga mazuva ano. Idzi inhare dzatinogona kufamba nadzo kwese kwatinoenda. Tinokwanisa kutaura nevose vangade kutaura nesu chero nguva ipi zvayo. Dzakanakira kuti dzave nhare dzinokwanisa kuita zvinhu zvakawanda chose sekuenda padandemutande reruzivo apo panokwanisika kutumirwa tsambambozha kana kupinda padandaro rewhatsapp, facebook, twitter nemamwe. 10 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari Nhare dzepanzvimbo dzinogara panzvimbo imwe dzisingatakurwe sezvatinoita nharembozha dzatinoenda nadzo pose patinenge tiri. Dzinoshandisirwa panzvimbo padziri ipapo. Nhare dzorudzi urwu vanhu vave kudzisema nokuti dzinokushandira kana uri padziri chete kana wakabvapo hauchagona kutaura nevanoda kutaura newe zvoreva kuti vanotofanirwa kukumirira kusvika paunozowanikwa pairi. Nhare dzorudzi urwu dzakanakira kuti hadzinyanye kudhura kushandisa pane nharembozha nekuti hatigare nadzo nguva dzose. 8.4.1.3 Wairesi neTerevhizheni Mawairesi nematerevhizheni zvinotaurawo mazwi ari kuda kufambiswa. Mazwi aya anonzwika kwese kunogona kubata mawairesi nematerevhizheni acho. Kana zvadai mashoko anenge afambiswa nyore nyore. Mawairesi nematerevhizheni anokusha mashoko emutauri kuvanhu vakawanda panguva imwe chete. 8.4.1.4 Nziyo Tinoimba zuva nezuva kufambisa mashoko akasiyana-siyana. Pamisangano tinoimba kufambisa zvakaringana nemisangano yedu. Tinoimbawo muzvitendero tichifambisa mashoko akasiyana-siyana sokurumbidza unaku hwemapato edu ezvematongerwo enyika kana ukuru hwamwari kana kurumbidza ukuru hwemidzimu. Kuimba kwedu kutaura kunofambisa mashoko atinenge tichida kuti anzwike munziyo dzatinoimba. Kana vari varwi vehondo vanewo nziyo dzavanoimba vachishingisana nekuyeuchidzana pane zvavanenge vachirwira. 1.5 Mhando Dzekunyora Kunofambisa Mashoko Mazuvano. 1.5.1 Tsamba Tinogona kunyora tsamba dzakasiyana-siyana dzinoenderana nemhando yemashoko ari kuda kutumirwa. Idzi dzinotakura mazwi chaiwo emunyori dzotaura dzakamumiririra. Dzinoshandawo chaizvo kufambisa mashoko angave ebasa kana emafaro. Kana ari mashoko ebasa tsamba inenge yatovawo yebasa. Kana zviri zvimwewo panonyorwa tsamba dzakareruka zvinopindirana nemashoko anenge aripo. Mazuva ano tsamba idzi dzava nemhandonyana mbiri dzinoti dzokunyora papepa netsambambozha. Nekushanduka kuri kuita zvinhu, tsamba dzepapepa idzi dzave 11 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari kukundwa netsambambozha pakushandiswa, asi dzichiri kushandiswawo kwazvo kufambisa mashoko. Idzi dzinosiyana netsambambozha pakuti dzinonyorwa papepa dzotsvagirwa maendeserwo adzo kumwene wadzo izvo zvinove zvinononoka zvichida nguva kuti dzisvike kwadzinoenda nemashoko asi tsambambozha dzinoenda nekungobaya kabhatani dzosvika ipapo ipapo mhinduro yobva yawanikwa nekuchimbidza zvakare. Mabhuku anotakurawo mashoko akanyorwa. Aya tinoaverenga zuva nezuva tichitsvaka umboo hwaanofambisa. Mabhuku anogonawo kuve anobatika kwozotiwo mabhukumbozha atava kungoverenga panharembozha dzedu pamakombiyuta kana pamimwewo midziyo inogona kubata masaisai anofambisa humboo huri mumhepo. Mapepanhau anofambisa mashoko ekunyora kwazvo. Iyi inzira inokurumidza kumhanyisa mashoko nekuti anonyorwa zuva nezuva oparadzirwa nenyika yose. Dandemutande rakazoti kuuya iri rava kufambisa mapepanhaumbozha anofamba nemasaisai edandemutande semafambiro emabhukumbozha. 8.5.2 Dandemutande. Dandemutande rinoshandiswawo zvakanyanya kwazvo mukufambiswa kwemashoko akanyorwa. Dandemutande rinogona kubatwa pamidziyo inokwanisa kushandisa masaisai edandemutande aya senharembozha, makombiyuta nemamwe materevhizheni emazuva ano. Padandemutande tinokwanisa kuenda pamatandaro anosanganisira watsapp, twitter kana facebook kwava kunyora nekutumirana tsambambozha nevatinenge tichitaura navo kana variwo padandaro sesu. Tinokwanisa kutsvaka humboo hwakanyorwa hwatingade kana kunyorawo hwedu humboo hwatingade kuti voruzhinji vazive. Zvishoma zvinoshaikwa padandemutande. Humboo, mifananidzo yakanaka neyezvinyadzi, zvedzidzo yakanaka neyakaipa zvose zvizere. Dandemutande harisarudzi kwete, rinongomwaya saVaZimwaya. Zviri kumushandisi wedandemutande kusarudza kuona zvaanoda kuona. Kana munhu asina kurongeka anoswera ave kutsvaka zvisina nematuro ose kana zvinokanganisa sekuona mifananidzo yevanhu vasina 12 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari kupfeka kana zvekupinda muzvikwata zvevapanduki vakafanana neISIS kana Alqaeda. Dandemutande rinokwanisa kutakura mhando dzose dzemashoko kunyange ekutaura kana mifananidzo. 8.6 Mhando Dzemicherechedzo inofambisa mashoko mazuva ano. 8.6.1 Zvinonzwika Tine zvinorira zvakasiyana-siyana zvinogona kushandiswa semicherechedzo yokutumira mashoko akasiyana-siyana anopindirana nezviridzwa zvacho. Muzvikoro kana ukanzwa dare kana hwamanda yarira unobva waziva kuti yava nguva yekuita zvakasiyana nezvawanga uchiita. Mabhero ari pamichovha anotumirawo chenjedzo yengozi. Mipururu inogona kutaura kufara pane zviri kuitika kana kutakura shoko rekurudziro kana pane ari kuita zvinhu zvinoyemurika. 8.6.2 Zvinoonekwa Ruvara micherechedzo inoshandiswawo kutumira mashoko. Kana wakaona ruvara rutsvuku pachigaba chakavharwa usina kuverenga unobva waziva kuti mune mushonga unoda kuchenjererwa nekuti une ngozi kune vari kuzoushandisa. Kana paine ruvara rwezerere tinobva taziva kuti mune mushonga usina ngozi yakanyanya kuvanhu. Kana muri mumugwagwa, ruvara rwezerere rwunotaura kuti mushandisi womugwagwa anogona kufamba zvake kana zvakanaka kuti adaro. Mwenje mutsvuku unotaura kuti timire kufamba nekuti kuita izvozvo kunenge kuri kuzviisa mungozi. Zvikwangwari zvinoshandiswawo kufambisa mashoko. Mumigwagwa mune zvikwangwari zvakasiyana-siyana zvinofambisa mashoko kuvatyairi. Mifananidzo inofambisawo mashoko pakati pevanhu. Mufananidzo unoiswa kuti utaure zvaunotaura kuvaoni. 13 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari Tinoishandisawo miviri yedu kuita mifananidzo inofambisa mashoko pakati pevanhu. Kana munhu asingagone kutaura nemuromo wake anoshandisa muviri wake sezvinotevera; a) Kutaura nzvanyira nemicherechedzo b) kuverenga uwandu nemicherechedzo. 14 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari Mimwewo micherechedzo yakaita sokufinyamisa uso inotaura pachena kuti munhu anenge asiri kuwirirana nezvinenge zvichiitika. Kusimudza maoko kunogona kutumira shoko rekubvuma kukundwa kana kuti munhu anenge achimisa zvinenge zvichiitika. Kutsinya ruziso kunogona kutumira shoko retsindidzo. 8.7 Kufambiswa Kwemashoko Muchinyakare. Izvi zvokufambisa mashoko hazvina kutanga nhasi uno. Kare kare kwazvo madzitateguru edu aifambisawo mashoko pakati pavo. Vaishandisawo nzira dzaipindirana nekuti shoko raienda kuna ani, rudzi rweshoko uye vaikoshesawo nguva yekufamba kwemashoko izvo zvaiita kuti vashandise nzira dzaikodzera kufambisawo mashoko nekukurumidza munguva yavo. Nzira huru dzavaishandisa kufambisa mashoko imbiri chete. Vaitumira mashoko nekutaura kana kuti nemicherechedzo yaipindirana nezvaitaurwa panguva iyoyo nekuti vaisagona kunyora zvinoverengwa sezvatavekuita mazuva ano. Kunyora kwaigonekwa kwaive kwekutara mifananidzo. Nzira mbiri idzi dzinewo nziranyana dzadzo sezvinotevera KUFAMBISWA KWEMASHOKO KARE kutaura a) kudaidzira b) Guhwa c) nhume micherechedzo a) zvainzwika b) zvaionekwa 15 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari 8.7.1 Mhando dzekutaura kwaifambisa mashoko kare. a) Kudaidzira inzira yaishandiswa chose kusvitsa mashoko kuvanhu makare kare. Munhu aigona kudaidzira shoko renhimbe kumba kwake kana kushandisa nhume yaigona kudaidzira ichiparidzira shoko raidiwa kuti vanhu vazive nekuchimbidza pachimana chevagarisani. Kana munhu aiwirwa nedambudziko aigona kudaidzira kuti vanhu vauye kuzomubatsira. Apa paida kushamarara kwazvo nezwi raienda kure kuti vanhu vakunzwe. Munhu aikwira pakakwirira sepachuru kana mumuti zvokuti zvaidaidzirwa zvainzwika kure. Paigona kudaidzirwa mashoko erufu kana ehondo kana egokera kumuzinda kana kudare ramambo. b) Guhwa inzira yaifambisa mashoko kare ichiri kushanda kunyangwe nanhasi. Vanhu vanongotaurirana muhugarisani hwavo pamusoro pezviitiko zvakakosha zvinenge zviripo. Kana paine zvinenge zvichidiwa kuti zviitwe nevanhu vose unozoona kuti vanhu vanobuda vose vachinozviita nekuda kweshoko rakafamba muvanhu riri guhwa. c) Nhume dzakasiyana-siyana dzaishandiswawo kufambisa mashoko. Vanyayi kana vana sadombo vaigona kuve masahwira kana vana sekuru kana vazukuru. Vaiva vanhu vaifanirwa kugona kufambisa mashoko emaroodzi. Vaiva vakarerukira vanatezvara kana vaida kureva pfuma kumukuwasha. Kanawo mukuwasha aida kudzosera mukadzi pakurambana aishandisa munyayi. Shoko rerufu kumadzitezvara rwemwana wavo raifambiswa nemunyayi kana mumwe wevakuru vemumusha. Vana tete vaishandawo basa rekufambisa mashoko evazukuru vavo pakuroorwa nekuroora. Vaitakura mashoko evazukurusikana ose airema kuti vazvitaurire kuvabereki vavo. Varanda vaiwanikwa muhondo dzavairwa vaishandiswawo senhume dzamambo dzainotaura zvaidiwa namambo sokuunganidza vanhu kudare ramambo. Shoko rekufa kwamambo raifambiswawo nemakurukota ake kana machinda ake aifamba achitaurira vanhu vaiva nechekuita nekuvigwa kwamambo. Rufu rwamambo rwainge rwakasiyana nerwemunhuwo zvake. Vanhuwo zvavo 16 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari havaiziviswa izvi zvaitika. Vaitozoziviswa mambo atoradzikwa kare kuninga kana bako rairadzikwa madzimambo. Vana, vazukuru, vakuwasha kana vanin’ina vaifambisawo mashoko epamusha evakuru senhume. 8.7.2 Mhando Dzemicherechedzo yaifambisa mashoko kare Vakuru vedu vaishandisawo micherechedzo kufambisa mashoko. Iyi yaive yezvinhu zvaigona kunzwika kana kuonekwa zvofambisa shoko razvaimirira panguva iyoyo. a) Zvainzwika Maririro engoma aigona kushandiswa kufambisa shoko rerufu. Ngoma yairidzirwa rufu rwedungamunhu yedandi. Ngoma iyi yairidzwa kutaridza kuti kwaita rufu rwemunhuwo zvake. Ngoma iyi yaisiyana neyairidzirwawo rufu rwamambo yechima. Ngoma yechima iyi yairidzwa zvakare kufambisa shoko rekugadzwa kwamambo. Maridzirwo acho ndiwo aitaura chiitiko chaiveko panguva iyoyo zvokuti vanhu vaiuya vachiziva zvaitaurwa nengoma yairira. Panguva yekuburitsa chitunha mumba kuti chiendeswe kumarinda pairidzwa ngoma zvakasiyana zvokuti shoko raifamba rakakwana kana ngoma yairidzwa saizvozvo. Mipururu yaishandiswawo zvakare kufambisa mashoko ekurudziro muhondo kana somucherechedzo wokufarira kufamba zvakanaka kwezvinhu. Mipururu yairidzwa zvakare pamasvikiro kufambisa shoko rekutenderana nekusvika kwemudzimu kana kuukurudzira kusvika. Mhere yaifambisa shoko rerufu kana kusagadzikana kwezvinhu. Vanhu vaikurumidza kumhanya kwavainzwa mhere. Miridzo/ Mheterwa yaishandiswawo kutumura mashoko pakati pevanhu. Vakomana kumombe vaibva vazivana paive neumwe mumasango mavaifudzira mombe kuburikidza nemheterwa dzavairidzirana. Kana vari varwi vairidza miridzo vachikurudzirana pakurwa kwavo. 17 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari Kuridza tyava yaivewo nzira yekutaura pakati pevafudzi vemombe. Zvaitumirawo shoko kuvanhu vaive kumamisha kuti vafudzi ava vaifudzira mombe dzavo papi. b) Zvaionekwa Moto neutsi zvaigona kuunganidza vanhu kana kudaidza vanhu kumuzinda wamambo. Waibatidzwa vouita kuti uite hutsi hwaisimuka kuenda mudenga kuti huonekwe kunyangwe kure kwaizononoka kusvika shoko kana dai paizotumwa nhume neshoko. Nenguva isipi vanhu vaibva vaungana vachitevera chiratidzo cheutsi ichi. Kusunga huswa kana kwaigona kushandiswawo kutaridza gwara raive ratorwa nevanhu mumasango mavaivhima. Kana paive nevaida kutevera vavhimi ava zvaivaitira nyore kana vaizotevera mucherechedzo uyu Mifananidzo yaishandiswawo kutumira mashoko. Mifananidzo yacho imwe ichiripo nanhasi pamatombo nemumapako. Iyi yaifambisa mashoko emararamiro evanhu panguva iyoyo. Yaitaridza kuti basa raifanirwa kusiyana zvichibva nekuti munhurume here kana munhukadzi. Yaitaura kuti vanhukadzi vaive vekutsvaka michero nezvimwe. Varume vanotaridzwa kuti vaive vokuvhima. Zvombo zvavaitarisirwa kushandisa uye mhuka dzaivhimwa munzvimbo idzodzo zvaibuda zvose. Kune vaizouya munzvimbo iyoyo vamwe vatama vaibva vaziva mhuka dzainyanya kuvhimwa nevamwe uyu magariro avaiita. Saka yaisangova mifananidzo chete panguva yavo, asi kuti yaitaura mararamiro aifanirwa kuitwa. Kana nanhasi mifananidzo yavo ichiri kufambisa mashoko emararamiro evanhu vedu kare. Kufambisa miviri kwaishandiswawo kutumira mashoko kare. Kusimudza ruoko kwaitaura kuti vanhu vamire kana kuregedza zvanga zvichiitwa. Munhu aisagona kutaura aitaura nevamwe achishandisawo maoko ake nemuviri wake sezvirikowo mazuva ano. 18 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari 8.8 Kufamba Kwemashoko Mumagariro 8.8.1 Mumhuri Tava kuziva nzira dzokufambisa mashoko mazuva ano uye dzaishandiswa kare. Mumapoka evanhu akasiyana-siyana munofambiswa mashoko mukurarama kwavo. Kare taisangotaura zvataida kuvabereki kwete, kana paiva nedare remusha, pachiitwa mashoko emusha hapaingotaurwa kwete, taipanana mukana tichisumana kubva kumudiki tichitevedza gwara roukuru hwedu kusvika kumukuru wedzinza aivepo. Zvainonoka hazvo pakufamba kwemashoko asi zvaibatanidza munhu wose zvokuti hapana aizoti aisaziva nyaya iyoyo kana pakawana zvaizoda kuti zvigadziriswe. Kana paiva nezvimwe zvaifanirwa kuti zvizivikanwe nevadiki mumhuri kubva kuvakuru, mashoko aigona kutangira kuvakuru odzoka negwara rohukuru hwavo vachisumana kusvika kumudiki wemhuri aiva pamashoko ipapo. Vana vaitsvaka vanhu vaivarerukira kuti vasvitse nyaya dzavo kuvabereki vavo. Kana vari vasikana vaigona kuenda kuna tete kana mbuya vaishanda senhume dzavo kuvakwidzira nyaya dzavo kuvabereki kana kuvakuru vemusha. Vakomana vaiendawo kune madzisekuru nekumadzimbuya vavo kana kuna tete nyaya dzavo dzofambiswa negwara. Izvi zvichiri kuitika kunyangwe nanhasi. Nyaya dzemaroodzi hadzitaurwe kuvabereki nemwana wega asi kuti anototsvaka nhume yaanopa basa iri yakaita satete, mbuya kana sekuru. Mazuvano tava kushandisawo nzira dzaveko mazuvano kufambisa mashoko pakati pedu mumhuri. Tava kushandisa mbozhanhare kutaura nevemhuri dzedu kana kutumira matsamba emhando dzatsanangurwa pamusoro. Tinofambisirei mashoko mumhuri? Zvinotevera zvimwe zvezvinhu zvakakoshera kufambiswa kwemashoko mumhuri; Kuti mhuri ive nekuwirirana pasave nemakakatanwa pakati pevabereki, vana kana pakati pevana nevabereki. Kuti hukama mumhuri hukure nekusimbaradzwa. Kuti vabereki vagone kupa vana gwara rakanaka remararamiro. Kuti mitemo inofanirwa kutevedzwa ive pachena kumunhu wose mumhuri. 19 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari Kuti mhuri ive negwara retariro yehupenyu hwakanaka. Kuti vana vagone kuita sarudzo yegwara rekutora remararamiro rinenge richiyanikwa pachena zvido netarisiro yemhuri. 8.8.2 Muzvinamato Kana muri muzvinamato zvedu kazhinji vanhu tinoenda kunopiwa mashoko. Vateveri vezvinamato vanonogara pasi voparidzirwa shoko riripo kubva kuvakuru vezvinamato. Kana kuri kuChiVanhu masvikiro ndiwo atinoteerera zvaanotaura nekuti tinotenda kuti ndiwo anotaura namusikavanhu kuburikidza nemidzimu iri pavari. Kana vanhu vaine zvavanoda kuna musikavanhu, vanopira kuvadzimu vavo kuti vavasvitsire kuvakuru vari pamusoro pavo kusvika zvasvika kuna mwari. Tsika dzedu dzinoti kana tiine zvatinoda tinozvikumbira kana kuzvisvitsa kuvakuru tichitevedza gwara reukuru hwedu kupira zvichemo zvedu. Hatingonoti kuvakuru dyo-o, kwete, nyaya inotofamba negwara reukuru hwedu ichikwidza kuvakuru. Izvi zvaiitirwa kubatanidza vanhu vose. Nanhasi kana tikada kuita zvemidzimu ndiwo mafambiro emashoko avo kuna mwari wavo. Mhinduro dzavo dzinouya kuburikidza nemasvikiro avo ayo anovaudza zvinodiwa kuitwa kuti hupenyu hwavo husave nemadzudzo. KuSvondo tinoteerera zvinotaurwa namufundisi. Mashoko kazhinji anobva kuvakuru achienda kuvadiki mumagungano iwaya. Vanhu kana vachinamata vanokwidza zvichemo zvavo kuna Mwari. Hapana zvokuti panoda umwe kuti mashoko azoturwa. Umwe neumwe anotenda kuti mhinduro yake kubva kumusiki inouya pane zvaanenge achikumbira kumusiki. Tinofambisirei mashoko muzvinamato? Zvimwe zvezvatinokoshesera kufamba kwemashoko muzvinamato zvinosanganisira zvinotevera; Kuti vanhu vanzwisise zvinamato zvedu vasakakavare nezvitendo zvezvinamato zvedu. Kuti vanhu vave nechinangwa chimwe chete muchinamato chavo. 20 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari Kuti vamwe vanhu vatevere zvinamato izvi. 8.8.3 Munharaunda Munharaunda mashoko anogona kufambiswa nemisangano, tsamba, tsambambozha, nhume, mawairesi, materevhizheni, nziyo nezvimwewo zvinogona kufambisa shoko zvakanaka. Mafambiro akanaka emashoko anotarisirwa ndeekuenda kwemashoko nekudzoka kwemashoko. Takangoona kufamba kwemashoko kwangova kwedivi rimwe panenge patova nedambudziko munharaunda imomo. Vakuru vanofanirwa kutaura neruzhinji munharaunda, vagari vemunharaunda vanofanirwawo kuwana mukana wokukwidza mashoko kuvakuru vemo pane zvavanotarisira kuitirwa imomo. Kana vari vanhu vari kungoendesa zvichemo zvavo pasina mhinduro dziri kudzoka zvinoreva kukundikana kwehutungamiri hwedunhu. Kana ari mutungamiri chete ari kungotaura nevanhu pasinawo zviri kuzobva kuvanhu zvichienda kumutungamiri zvinogona kureva kusagutsikana kworuzhinji nohutungamiri zvokuti vave kuona zvisisina kukodzera kuendesa zvichemo zvavo kuhutungamiri. Tinofambisirei mashoko munharaunda kana munyika? Kufamba kwemashoko munharaunda kunofambisa umboo hwakakosha hwakasiyana-siyana kubudiriro yenharaunda. Kunoita kuti vanhu vave neruzivo rwenharaunda yavo uye vanzwe kuida. Kana paine kufamba kwemashoko munharaunda kana munyika makakatanwa anoitawo mashoma nekuti vanhu vanenge vachiziva zviri kuitika munharaunda kana nyika yavo. Kufamba kwemashoko munharaunda kunobvisawo humbimbindoga hunononotsa budiriro yenharaunda 8.9 Kupindura Mibvunzo 1. Ndedzipi nzira nhatu huru dzekufambiswa kwemashoko? 2. Nhare dzakanakirei semichina yekufambisa nayo mashoko? 3. Doma micherechedzo yaishandiswa kare mina kufambisa mashoko. Zvino chitsanangura mashoko aifambiswa nemicherechedzo iyi. [1] [2] [4] 21 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari 4. Tsanangura micherechedzo miviri ingashandiswa mazuva ano kufambisa mashoko. [4] 5. Tsanangura zvikonzero zvina zvekufambisa mashoko mumhuri. [4] 6. Kunyora kwakanakirei senzira yekufambisa nayo mashoko pane kutaura. [4] 7. Tsanangura zvinhu zviviri zvakanakira uyewo zviviri zvakaipira zvinotevera semichina yokufambisa mashoko mazuva ano. i) Mawairesi ii) materevhizheni. [10] 10.0 MISAMBO YEKUTAURA Zvinangwa Kutsanangura kuti misambo yekutaura chii. Kudoma nekutsanangura zviga zvitanhatu zvinoita kuti musambo ubudirire. Kudoma mhando dzakasiyana-siyana dzemisambo yekutaura. Kutsanangura mashandisirwo emusambo umwe neumwe. Kushandisa misambo yekutaura yakakodzera pane zvoupenyu. 22 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari 10.1 Misambo Yekutaura Chii? Misambo yekutaura matauriro akakodzera pakati pemutauri nevateereri vake. Chiitiko chimwe nechimwe chine matauriro akakodzera anofanirwa kuitwa pachiri. Kana takatadza kushandisa musambo wakakodzera kutura mashoko edu, pfungwa dzatinenge tichida kuti dzisvike pamusoro pechiitiko ichocho dzinokanganisika. Saka budiriro yemusambo inouya kana takagona; Kucherechedza vanhu vatiri kuda kushandisira musambo watasarudza panguva iyoyo. Tinofanirwa kuziva kuti vanhu vatiri kutaura navo ndivanaani. Dzimwe nguva patinotadza kutaura zvakanaka nevanhu vanotarisira kuti titaure navo nemisambo inoumba ukama hwatinahwo navo unonzwa votibvunza kuti, ‘Uri kuziva here munhu wauri kutaura naye?’ Mubvunzo uyu unotaura kuti tinenge tichishandisa musambo usiri iwo kuvanhu vasiri ivo vanofanirwa kushandisirwa musambo iwoyo. Kucherechedza nzvimbo yatiri kushandisira musambo watasarudza. Zvakakoshawo kuti tizive nzvimbo yatiri kuti tigone kuita sarudzo yemusambo wakakodzera. Kana tiri pamusha patezvara tinofanirwa kuziva kuti musambo wakakodzera wokushandisa nguva zhinji ndewechinyarikani kunze kwokunge mava panzvimbo yenyu sevaramu. Kushandisa mazwi anopindirana nemusambo watiri kushandisa. Wakashandisa mazwi emusambo wechisekedzani chechisahwira kuna tezvara kunyangwe wagadzirisa uso kana kutaura zvakanaka zvinengei, munoburana nekuti mazwi anoshanda mumisambo iyi akatosiyana zvachose. Tezvara vanobva vaona sokuti vashorwa nemukuwasha. Panotogona kuzoita nyaya yekuripa tezvara ivavo kuti zvinake. Kushandisa izwi rinokodzera kuburitsa musambo wedu zvakanaka kumuteereri. Musikana kana achitaura nemukomana waanodanana naye kana waanoda zvinogona kubudiswa nezwi rake kumumwe wake. Izwi rinogadziriswa kuti ritapire kuteerera riine kuyemedzeka mukati kunowanikwa muchivhevhano. Kana munhu atsamwa, tinonzwa nezwi rake kuti matauriro acho ave emunhu atsamwa. 23 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari Kushandisa muviri wedu zvakakodzera patinenge tichitaura kuti zvatinotaura zvipindirane nekutaridzika kwouso kana miviri yedu. Kana chiri chinyarikani hachingabudirire kana ndakataura ndichiratidza kuti ndiri kuda kuseka. Kana zvadai chinyarikani chinopera vanhu vabatana pahuro. Kupfeka zvipfeko zvakakodzera. Zvipfeko zvakakodzera zvinoita kuti musambo unyatsozadziswa. Musambo wechinyarikani haunyatsobudirira kana takada kuushandisa tisina kupfeka zvakakodzera. Kana chiri chinyarikani chechiroora, muroora ane mapfekero okuti vanhu vakamuona vanobva vaziva kuti uyu muroora nemapfekero ake. Cherechedzo yezviga izvi inoita kuti tigone kubudirira mumusambo watinenge tichishandisa. Saka zvakakosha kuti tizive zviga izvi zvakanangana nemisambo yose ichakurukurwa pazasi. 10.2 Mhando Dzemisambo Yekutaura Misambo yekutaura yatinoshandisa mumutauro wedu yakawanda zvikuru. Chikamu chino chichazama kubata misambo yakawanda kuti tizive mhando dzakasiyana-siyana dzemisambo yekutaura iyi. Misambo yekutaura iyi inogona kuonekwa iri muzvikwata zvikuru zvinoti; 1) musambo wekusekedzana, 2) musambo wekunyarana, 3) musambo wekugunun’una, 4) musambo wekupopota, 5) musambo wekuganza, 6) musambo wekudemba, 7) musambo wekukumbira, 8) musambo wekushorana, 9) musambo wekubata maoko, 10) musambo wepadare, 11) musambo wekukakavadzana, 12) musambo wekutuma, 13) musambo wepabasa, 14) musambo wekunamata. 24 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari Tine misambo miviri mikuru inoti, wekusekedzana nemusambo wekunyarana ine mhandonyana dzinotevera; Musambo wekusekedzana Musambo wekunyarana Musambo wekusekedzana pachishamwari Musambo wekunyarana pavana. Musambo wekunyarana pavana nevabereki. Musambo wekusekedzana pachisahwira Musambo wekusekedzana pachiramu Musambo wekusekedzana pachizukuru Musambo wekusekedzana pachipwere Musambo wekusekedzana pachivhevhano Musambo wekunyarana pachinamato Musambo wekunyarana pachikuwasha nevakarabwa Musambo wekunyarana pachitorwa Musambo wekunyarana pachikurungai Musambo wekunyarana pachiroora Mhandonyana dzemisambo idzi dzinosiyanisa hudzamu hwekusekedzana kana hudzamu hwekunyarana zvichibva nekuti ndavanaani vari kushandisa musambo iwoyo sokuti; musambo wekusekedzana pachiramu unosiyana pahudzamu nemusambo wekusekedzana pachisahwira kunyangwe misambo iyi iri yemhando imwe. Hudzamu hwekusekedzana hwakasiyana-siyana huri pakati pevanhu vane ukama hwekusekedzana uhu ndihwo hunoita kuti tive nemhandonyana idzi. Saka zvakakosha kuti tizive mhandonyana dzemisambo miviri iyi nemisambo mukuru iri kubva nemhandonyana imwe neimwe semapirwo adzichaitwa pazasi. 10.2.1 Musambo Wekusekedzana 10.2.1.1 Musambo wekusekedzana pachiShamwari Uyu musambo wakareruka kune vanoushandisa Unowanzoshanda pakati peshamwari dzine ukama hwekusekedzana kwakasununguka pakati padzo. Kusekedzana kwavo kuri munyaya dzavanogona kutaura dzorudzi nerudzi pasina chinotyisa pakati pavo. Kushandiswa kwemazwi mumusambo uyu kwakareruka. Shamwari mbiri idzi hadzinetseke zvakanyanya pasarudzo yemazwi nekuti chishamwari chinovabvumira kutaura zvavanoda. Vanogona zvavo kunemerana kana kutamba 25 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari zvavo vachiita sovotukana kana kushorana pasina anorwadzwa nazvo pakati pavo. Zvinonyadzisa kumimwe misambo hazvinyadzise kumusambo uyu nekuti vane ushamwari mukusekedzana hunovatendera kutaura zvakasununguka. Hapana chinorema mumusambo uyu. Tinogona kana kutarisa shamwari dzedu mumaziso kana kubatana maoko kana mapindikiti tichifamba tichitaura nyaya. Tinogona kuuya pedyo pedyo neshamwari dzedu tichitaurirana munzeve nekurovana maoko. Mumusambo uyu vanhu vanopfeka zvavanoda paushamwari hwavo. 10.2.1.2 Musambo wekusekedzana pachisahwira Musambo uyu unobva paukama hweusahwira hunosunganidzwa nenyaya yekuvigana kwemhuri mbiri. Mhuri inoviga vokwenyu kana kwaita rufu imhuri yemadzisahwira enyu. Kana kwavo kwaitawo rufu munokokwa mopiwa zvirango zvousahwira nokuviga mufi. Musambo wavo unovabvumira kutaura kana zvinyadzi kana kutuka madzisahwira avo vachirova bembera pane zvinenge zviripo zvechokwadi. Vanogona kutotaura vachituka munhu anenge achikonzera matambudziko mumhuri vachitaura mabasa ake pazere vanhu vachitamba usahwira hwavo. Hapana anotsamwira sahwira zvokuzotadza kutaura naye zvakare nekuti ndizvo zvinoumba musambo uyu. Sahwira anotenderwa kana kubata huku mumusha pasina anotsamwiswa nazvo nekuti ishamwari yedzinza rose. Anopiwa nyama yemombe inenge yaurairwa zvirango mumusha. Panosiiwa hunda yasahwira iyo yaanotakura kumusha kwake. Hapana anofanirwa kugunguzika nekuti kana zvava kwenyu zvirango zvousahwira munoitawo zvamunoda. Madzisahwira anopfeka zvaanoda. Hapana chinoremera sahwira pazvipfeko. Kana pari parufu pehama yenyu yaive pfambi, sahwira anogona kuuya akapfeka mapfekero aiita sahwira wake mufi. Anogona kuridza mumhanzi otanga kutamba zvokuti kana pane vanyarikani vanotarisa pasi. Vanhu vanozoguma vave 26 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari kunakidzwa nazvo vombokanganwa nhamo inenge iripo. Hapana munhu anogona kurambidza sahwira kuita zvaanoda. 10.2.1.3 Musambo wekusekedzana pachiramu Musambo wekusekedzana paChiramu unoshandiswa navanamainini navababamukuru kana vanababamunini navanamaiguru vavo. Mumusambo uyu munotaurwa zvakasununguka varamu vachifara. Vanogona kutaura vachinemerana zvavo kana kutamba vanababamukuru vachishevedzana navanamainini sovadiwa vavo kana vanamaiguruwo vachidana vanababamunini sevarume vavo. Nyaya dzokutadza kubika kana dzokutadza kusarudza vasikana kwavanababamunini kana kunonoka kuroora kwavanababamunini kana dzokutadza kuita zvakanaka dzinotaurwa pasina chinogumbura. Chokwadi ichi chinotaurwa mukusekedzana uku varamu vachidzidzisana. Hadzisi nyaya dzinotsamwisa nekuti pane kusekedzana kunovatendera kusvika padanho iroro. Vanotenderwawo zvavo kubatana kana maoko asi paine cherechedzo yekuita kusingazokanganisa muridzi wemukadzi kana muridzi wemurume. Zvinopfekwa zvinofanirwawo kuve kucherechedza kuti vanenge vachitambwa navo chisekedzani ichi varume kana kuti vakadzi vevanhu. 10.2.1.4 Musambo wekusekedzana pachizukuru Musambo uyu unoshandiswa pakati pemadzimbuya vanasekuru nevazukuru vavo. Vanatetewo vanosekedzana pachizukuru nevana vehanzvadzi dzavo. Kusekedzana kwemhando iyi kwakarerukira kuti kune donzvo rekuraira vazukuru kuti vagone kuzoita hupenyu hwakanaka vaine hunhu husingazoshoresa vanatete naivo vanasekuru navanaambuya. Mumusambo uyu, vazukuru vakasununguka kutaura zvavanoda kumadzimbuya avo ivowo vachitaurawo navo vazukuru vachitamba zvavo navo. Panogona kushoranwa kana kusekanwa asi donzvo riri rokudzidzisa vazukuru hupenyu. Vazukuru vanofanirwa kuyeuka kuti vanogona kushandisa musambo uyu une kusekedzana zvawo asi vasingakanganwe kuti vavanotamba navo musambo uyu vanhu vakuru kwavari vanodawo kuremekedzwa. 27 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari Musambo uyu unotendera kupfeka zvakasununguka asi zvinotaridza kuti vazukuru vane zvavari kudzidza zvounhu hwakanaka kumadzisekuru nemadzimbuya avo. 10.2.1.5 Musambo wekusekedzana pachipwere Uyu musambo unoshandiswa nevana vadiki pakati pavo kana pakati pevadiki nevakuru. Kana vadiki vatinetsa tinovashandisira musambo uyu kuti vanyarare. Umu munowanikwa kurezva kana kunyengedzwa kwepwere dzatinonyaradza nezviwitsi zvisipo zvakatodyiwa kare. Idzo pwere pachezvadzo dzakasununguka kutaura zvadzinoda asi kunetsana hakusi kwenhamo nekuti zvido zvadzo zvinongoshanduka-shanduka zvichienderana nenguva. 10.2.1.6 Musambo wekusekedzana pachivhevhano Musambo uyu unowanzoshanda panyaya dzorudo. Patinotaurirana zvokudanana nevadiwa vedu panoshanda musambo uyu. Panoshandiswa musambo uyu pane ushamwari hwakakomba chose kana kuti panenge paine hurongwa hwoukama hwakadaro. Kana pakaita rudo pakati pomukomana nemusikana unovaona nematauriro avo nekufadzana dzimwe dzenguva nemanyepo. Unogona kunzwa vachikwidzana ndege dzemashanga zvichinzi, ‘Ukandida ndichakutora ndoenda newe kunyika iri kure tonogara ikoko tichifara zvedu.’ Kana riri izwi rinopfaviswa muchisekedzani chechivhevhano mazwi achinyatsosarudzwa anotapira anoita kuti masaisai erudo afambe pakati pevari mumusambo uyu. Maitiro avo azere nekuyemerana, kuita sekunge pane kakunyara-nyara. Vanogona kufamba vakabatana zvavo maoko mapindikiti kana kufamba vakabatana muzviuno. Ava vanogona kutarisana zvavo mumaziso kana kunyemwererana zvechivhevhano. Panoitwa sarudzo yezvipfeko inonyatsogara munhu zvokuti anobva anokwanisa kutora mwoyo yevaangade chivhevhano navo. Haungopfeke zvose zvose nekuti vaunenge wakatarisira kuti vatosvorwe mwoyo newe vanogona kusazokutarisa nekuti unenge usingatore mwoyo. 28 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level 10.2.2 naNick Mufutumari Musambo Wekunyarana 10.2.2.1 Musambo wekunyarana pavana Musambo uyu unowanikwa pakati pevana voga sehanzvadzi nehanzvadzi kana pakati pemukoma nemunin’ina. Kunyarana kwavo kwakareruka zvokuti kunonovatendera kufara vachitaura vose. Kana vari vakomana voga kana vasikana voga vanogona kurerukirwa zvakanyanya asi paine cherechedzo yekuti vana vemhuri imwe asi umwe ari mukuru. Kana vava hanzvadzi nehanzvadzi pane kunyarana kwakareruka zvishoma pane kwemukoma nemunin’ina. Musambo umwechete unoshanda asi une udzamu hunosiyana nekuti vana vapi vari kushandisa musambo uyu. Maitiro avo nemiviri yavo anofanirwawo kucherechedza chinyarikani chiri pakati pavo. Mapfekero evanhu ava mumusambo uyu akareruka asi anofanirwa kuve akatsiga zvinopindirana netsika nemagariro epamusha. 10.2.2.2 Musambo wekunyarana pavana nevabereki Kana takangotaura sematauriro atinoita neshamwari dzedu nevabereki vedu panova nekusawirirana. Musambo unoshanda pakati pevana nevabereki une ruremekedzo rwakadzama kukunda rwematauriro evabereki kuvana vavo. Mapfekero evanhu ava anofanirwa kucherechedza kuremekedzana nekunyarana uku. Vana vanofanirwa kupfeka zvakatsiga pane vabereki vavo zvisingavakanganise meso. Zvipfeko zvinongwerevera nezvinosiya miviri pachena hazvikodzere pane vabereki. Vaberekiwo havatarisirwe kupfeka zvisina kukodzera pane vana vavo. 10.2.2.3 Musambo wekunyarana pachinamato Uyu musambo wekunyarana watinoshandisa muzvinamato zvedu zvakasiyanasiyana. Muzvinamato muzere vatorwa avo vanofanirwa kuve nekunyarana 29 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari kwakasangana nekukudzana pakati pevanamati kuti chinamato chigone kubudirira. Munamati anofanirwa kunyara vamwe vanamati kuti pasave nezvinokanganisa chinamato. Kana pakasava nekunyarana pakati pevanamati, kutevedza zvitendo zvechinamati kunonetsa nekuti vanhu vanenge vasina chinovamisa kuita zvavanoda izvo zvinozokanganisa chinamato. Chinamato chine mapfekero anotarisirwa kuti kunyarana kurambe kuripo. Vanhu vanofanirwa kupfeka zvinoita kuti pakati pavo parambe paine ruremekedzo rwemitemo inosunga chinamato. Mune zvimwe zvinamato vanhu vanofanirwa kugara vakapfeka zvirefu zvinovhara miviri yavo kuti vanhu vasaone zvinozovakanganisa chinamato chavo. Kana kuri kugara pagungano rechinamato vamwe vanamati vanogara vakapatsurana vakadzi kwavo varume kwavo kusimbaradza musambo wekunyana pachinamato. 10.2.2.4 Musambo wekunyarana pavakuwasha nevakarabwa Uyu musambo unoshandiswa pakati pevakuwasha nevabereki vomudzimai. Chinyarikani mumusambo uyu chinosiyana zvichibva nekuti ndiambuya here kana kuti nditezvara vaanotaura navo. Chinyarikani chakanyanya pakati pemukuwasha naambuya vake kupfuura pakati pemukuwasha natezvara. Ambuya havatariswe kumeso kana kubatwa maoko. Kana kuri kukwazisana, vanokwazisana vari parefu neparefu vachiuchirana kusimbaradza ruremekedzo rwuri pakati pavo. Havagari muimba imwe chete kana kusvika pedyo nepedyo. Kana zviri zvipfeko, vanopfeka zvakatsiga. Ambuya vanotarisirwa kupfeka zvakatsiga zvisingatosvore maziso emukuwasha. Iye mukuwasha anofanirwa kupfekawo zvakatsiga pana ambuya vake zvinotaridza kuti anovaremekedza. 10.2.2.5 Musambo wekunyarana pachitorwa Tinotaura nevanhu vakawanda chose zuva nezuva. Vanhu ava vanogona kunge vari vatinoziva asi tisina ukama navo, tichivaziva nokuda kwebasa kana zvimwewo zvingasanganisa vanhu. Vatorwa vanhu vatisingazive navo zvachose vatinenge tasanganawo navo kekutanga panguva iyoyo. 30 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari Ava tinotaura navo nemusambo wekunyarana pachitorwa une kunyarana mukati. Kunyarana kuri apa kuzere ruremekedzo rwatinofanirwa kupanana tichicherechedza kusazivana kwedu zvisinei kuti munhu akaita sei. Musambo uyu unoshanda zvakanyanya patinotanga kutaura nemutorwa watinenge tichitaura naye. Kana takaramba totaura nemutorwa uyu mhando yemusambo inoshanduka ichitevedza ukama hunenge hwava pakati pevatorwa ava. Mutorwa haarambi ari mutorwa kwete, hukama hunoumbika zvichibva nezvamunenge mokoshesa zvinenge zvava kukuunzai pamwe chete. Musambo uyu haunyanye kutarisa mapfekero evanhu vari mumusambo uyu sezvo vanenge vangosangana. Mapfekero anozotanga kuve nechekuita kana tava kuda kuve nechekuita nevatorwa ava zvokuti musambo unenge wava kutoshanduka. 10.2.2.6 Musambo wekunyarana pachikurungai Musambo uyu unoshandiswa pakati pevabereki vevana vakaroorana. Ava vane hukama hwavo hunobva mumatauriro avo hune kunyarana kwakawandira mukukudzana kwevabereki vane vana vari muwanano. Ava vanoedza kuve nemaitiro anoita kuti vamwe vavo vasasare vaine kushamisika nemaitiro avo. Vanogona kutaura zvakasununguka asi paine kunyarana kwakasangana nekukudzana ikoko. Zvinotarisirwa kupfekwa zvinofanirwa kuva zvisingashorese muroorwi kwaakaroorwa kana muroori kwatezvara vake. 10.2.2.7 Musambo wekunyarana pachiroora Uyu musambo unoshanda pakati pevaroora nevabereki vemurume nehama dzavo. Mumusambo uyu mune kuzvininipisa zvikuru kwevaroora kuti vagonzi vakarairwa kana kuti vane unhu. Varoora vanozvityora nguva dzose kana vachitaura nehama dzevarume vavo kunyanya vanatezvara navamwene vavo. Havafanirwe kungotaura vasina kucherechedza zvavanenge vachitaura nekuti zvinoshoresa ivo sevaroora uyewo kwavakabva. Kunyangwe vangade kudzinga imbwa chaiyo 31 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari yepamusha, muroora anofanirwa kushandisa mazwi asingakanganise varidzi vemusha. Mapfekero avo anofanirwa kutaridza kuti vakaroorwa uyewo kuti vari pamusha pevanyarikani. Zvipfeko zvavanopfeka zvinofanirwa kuve zvirefu zvinofukidza muviri wose. Vanotogona kumonera mucheka unotsvaira pasi unozivikanwa nokuti zambiya, mumusoro vakasunga dhuku. Muroora haatarise vatezvara kumeso kana kusvika pedyo navo. Anofanirwa kutaridza kuvanyara nekufambira kure navo kana kugara kure navo. Kana muroora achikwazisana navatezvara kana vamwene anofanirwa kutyora muzura kana kupfunda tsiva kutaridza kuti anozvininipisa mumusha wevaridzi uyu. Kana kuri kugara muroora anogara akapfunya chisero. Kana ave kupa vatezvara zvokudya anopfugama pasi. Kana ave kutaura navatezvara, muroora anofanirwa kutaura akatarisa pasi kwete kutarisa vatezvara. Zvose zvinoitwa nemuroora mumusha maakaroorwa zvinofanirwa kutaridza kuti akabva kune vanhu. 10.2.3 Musambo wekugunun’una Musambo uyu musambo unoshandiswa patinoratidza nemazwi kuti zvataitirwa hazvina kutifadza kana kuti kana takanganisirwa. Kugunun’una hakusi kupopota kwete, asi kuti kubudisa pachena kusafara kwedu nezvatakaitirwa, saka budiriro yemusambo wekugunun’una inovepo kana takacherechedza kuti ukama hwatinahwo nevanhu vatinenge tichigunun’unira ndihwo hunoita kuti tisiyanise mhando yemazwi ekugunun’una atinoshandisa. Kana iri shamwari yangu, ndinogona kugunun’una nemazwi akareruka muushamwari hwedu asi anotaridza pachena kuti zvakaitika hazvina kundifadza. Kana pari pabasa, ndinogona kugunun’unira vakuru vebasa nemazwi ane remekedzo asi achitaridza pachena kuti handina kufara pane zvakaitika. Mapfekero edu kana tichigunun’una ngaaenderane neukama hwatinahwo nemunhu watiri kugunun’unira. Kana tichigunun’una uso hwedu hunofanirwa kutaridza kudzama kwekugunun’una kwedu kuti muteereri anzwe nekuona kudzama kwezviri kugunun’unwa. 32 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari Kana paine zvawakaitirwa zvisina kukufadza unogona kutaura uchiti; ‘Ndine urombo nezvakaitika asi ini handina kufara nezvakaitika…’ Basa /Ronganai mumapoka madiki muite mutambo umo muchashandisa mutauro wakakodzera kutaridza kuti chiitiko chakaitika mumwe haana kufara nacho. Fungai chiitiko chamungade kutaura nezvacho mumutambo wenyu. 10.2.4 Musambo wekupopota Musambo uyu tinoushandisa kana tichida kuita ruzha pamusoro pekutadzirwa kwedu tiine chinangwa chokutyisa muteereri angave nechekuita nenyaya iripo. Mumusambo uyu munotaurwa nezwi riri pamusoro zvikuru zvokuti vanhu vasineyi nenyaya iyi vanobva vaziva nyaya yose iripo kunyangwe iri nyaya isingaite. Vanoshandisa musambo uyu munotorwa mazwi anopindirana nekusimba kwebopoto rinenge riripo. Kana rakanyanyisa kudzama mazwi anoshandapo ndeekurwadzisana chete. Musambo uyu unoonekwa nekuvhiza maoko kunongedzera kana kunongedzerana kana kufinyamisa uso. 10.2.5 Musambo wekuganza Uyu musambo wekutaridza kuti iwe ndiwe munhu ari pamusoro-soro pavanhu vose, uya munhu anganzi akaoma pane vamwe vose. Musambo uyu tinoushandisa kana tichida kuzviisa padanho repamusoro-soro. Izvi tinozviita tichishandisa mazwi nekuita kunotaridza izvi. Vanoshandisa musambo uyu vanogona kutotsvaga zvipfeko zvinotaridza kuti vari pamusoro pevamwe vose zvechokwadi zvokuti ivo vacho vari kuganzirwa vanotendeseka nekuganza kwake. Musambo uyu unoonekwawo nekufambisa muviri kune kuzvida nekuzvikudza mukati. 10.2.6 Musambo wekudemba Musambo wekudemba unoshanda kana pava nedambudziko kana kuchema. Mutauri anenge achitaura achichema ngwavaira kana tsaona inenge yasanganwa 33 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari nayo. Anodemba anotaura nezwi rine kunzwisa tsitsi mukati, munhu achiita kunge ari kuda kuchema kana kutotaura achichema nhamo inenge yamuwira. 10.2.7 Musambo wekushorana. Musambo wekushorana musambo wekutarisirana pasi. Mumusambo uyu vanhu vanotsvaka mazwi nekuita kunotaridza kuti kuita nekufunga kwemumwe kwakashoreka. Muviri unofambiswa zvokusvora ari kutaurwa naye. Munhu anogona kunongedza munhu neruoko achiruzunza zvokushora ari kutaurwa naye. 10.2.8 Musambo wekukakavadzana Uyu musambo unoshandiswa kana paita kusawirirana pakati pevanhu. Panoitwa sarudzo yemazwi ekukakavara zvinoenderana neudzamu hwemakakatanwa anenge aripo. Kana vanhu vachikakavadzana vanogona kuonekwa nekukwidzirana mazwi, kuzunza maoko, kunongedzerana kusvipirana kumeso kana kufinyamisa kumeso. Vamwe vanorova zvinhu zvinenge zviri pedyo navo. Vamwe vanogona kutosvika pakurovana chaiko kutaridza kuti pane makakatanwa ari pakati pavo.. 10.2.9 Musambo wekubata maoko Kana kwafiwa tinoenda kunobata maoko. Kubata maoko kunyaradzana nevafirwa. Parufu panoshandiswa musambo wekubata maoko. Mumusambo uyu vanhu vane mazwi avanotaura anotaridza kuti vari kubata maoko. Vanewo zvinhu zvavanogona kuita zvinozadzisa musambo wekubata maoko. Tinobata maoko sei? Kana takasvika pafiwa tinokwazisa vashaikirwa nevose vanenge vauya kuzokuta hama dzomufi. Tinotaura navo kana tavakwazisa tichiratidza kubatikana kusuwiswa kwedu nechiitiko cherufu ichi tichiti; ‘Tine urombo nekushaikirwa nehama’, Kana ‘Nenhamo dzatiwira.’ Kana ‘Nedzoi nedzekuparadzika’ 34 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari Mashoko aya kana mamwewo zvichienderana nekwatinobva anogona kuteverwa nehurukuro yekunyaradza vafirwa. Pakubata maoko tinofanirwawo kuita zvinotaridza kuti tiri kurwadziwa nechiitiko ichi zvinoita kuti kubata maoko kuzadziswe. Tinogona kuratidza kuti zvaitika izvi zvatirwadzawo nekutaura mazwi ekurwadziwa kana kumbochema zvisinei kuti unoda kuchema here kana kuti kwete nekuzunza musoro kana kubatanidza maoko kana kurova maoko uye tichitaridza kusiririswa pauso hwedu pakutaura nehama dzemufi kana mamwewo maitiro anoratidza kurwadziwa zvikuru nezvaitika izvi. Tinogonawo kuita mabasa eparufu anosanganisira kunochera guva remushakabvu nezvimwewo. Zvipfeko zvinofanirwa kupindirana nechiitiko ichi. Vamwe vanobva vapfeka zvipfeko zveruvara rutema runoratidza kusuwiswa nechiitiko ichi. Madzimai anopfeka zvipfeko zvirefu vakamonera micheka yemazambiya nemadhuku. Basa Ronganai mumapoka mugadzire mitambo midiki umo muchashandisa musambo wakakodzera kubata maoko. 10.2.10 Musambo wekukumbira Uyu musambo watinoshandisa kana tiine zvatinoda kuti tiwane kubva kune mumwe munhu. Tinogona kukumbira kubatsirwa kana kukumbira mari kana kukumbira kuti tipiwe chose chose chatingade. Munhu anokumbira anofanirwa kuzvirereka oenda pasi petsoka dzemunhu waari kukumbira kuti zvaari kuda zvimufambire. Kuzvininipisa kwacho kunogona kusiyana zvako hudzamu hwako nekuti munhu ari kutaurwa naye ndiyani panguva iyoyo. Kana kuri kukumbira ruregerero taona kuti takanganganisa tinofanirwa kugona kuona kutadza kwedu tokumbira ruregerero tichishandisa musambo wekukumbira uyu. Uyu musambo une kuzvirereka mukati zvokuti zvinova pachena kune atadzirwa kuti munhu anzwisisa kutadza kwake. Mienzaniso yekukumbira ruregerero; 35 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari ‘Ndine urombo nezvandakaita…ndinokumbirawo kuregererwa kutadza kwangu..’ ‘Shamwari ndakagara pasi ndakaongorora zvandakataura ndakaona kuti zvakaipa chose. Ndizere nenyadzi nhasi uno ndichikumbirawo kuti undiregererewo. Handichazozviiti zvakare..’ Basa Ngatironganei mumapoka tiumbe mitambo yakasiyana-siyana umo tichataridza mashandiro emusambo wekukumbira uyu. Mitambo yedu ngaibve muzviitiko zvakasiyana-siyana muupenyu. 10.2.11 Musambo wepadare Padare panoshandiswa musambo wepadare uyu. Mumusambo wepadare tinofanirwa kuzvininipisa pavanhu vari padare tichivaratidza kuti tiri pasi petsoka dzedare rinenge richititonga. Kana tichida kupa pfungwa dzedu padare tinotaura kuburikidza nemukuru anenge aripo zvichienderana nekuti idare rakaita sei. Panogona kuva namambo kana riri dare redunhu rose, kana kuti rinogona kuva dare diki remusha rina sachigaro kana sabhuku. Kana ari matare enyika kune mamajisitiriti, majaji nevamwewo vatongi vakuru. Ava vakuru vanofanirwa kuremekedzwa chose mumusambo uyu kunyangwe ivo vakuru vedare vasingatikudze nekuti tinenge tiri pasi peutongi hwavo. Kana tiri padare hatingotaura tisina kupiwa mukana kana kutaura ivo kana vachitaura. Unofanirwa kutaridza kuti unoremekedza dare nekuita kusingashore dare. Ukashandisa musambo usiriwo padare kana kuita zvisingadiwe padare sokudaira nharembozha yako, kutaurawo zvako neumwe munhu mudare, kudya zvako mudare kana kuuya wakapfeka nguwo dzisina hunhu unonzi watarisira dare pasi. Izvi zvine mutongo wazvo zvoga zvichienderana nedare racho. Kana tichitaura padare tinotanga nekukudza vadare sokuti; ‘Pamusoroi changamire, munyori, makurukota, nemi mose makateerera….’ Kana, 36 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari ‘Pamusoroi sachigaro, munyori nemi mose matikuta….ini ndasimuka kuti….’ Izvi zvinotaurwa tichiuchira maoko kana ari matare echivanhu. Hatiuchire zvedu kana tiri kumatare enyika asi mazwi ari pamusoro ekukudza vadare anofanirwa kutaurwa kuti musambo wedare ubudirire. 10.2.12 Musambo wekutuma Uyu musambo tinoushandisa kana tichida kuti munhu aite zvatinenge tichida. Unoshandiswa paya patinenge tisingatarisire mhinduro asi kuti patinotarisira kuti munhu aite zvatinenge tataura. Musambo uyu unoshanda nemazwi ekutuma. Izwi racho rinofanirwa kuratidza kuti zviri kutaurwa zvinofanirwa kuitwa sokuti; Kana tichituma munhu mudiki kana watisingaremekedzi kana mumwe chete tinogona kuti; Famba nekukurumidza. kana tava kutumawo vanoremekedzwa kana vakawanda tinoti; fambai nekukurumidza. 10.2.13 Musambo wepabasa Uyu musambo watinoshandisa kana pane zvebasa zviripo. Musambo uyu unofanirwa kunge uzere rukudzo pakati pevakuru vebasa nevanotsvaka basa kana vashandi. Zvipfeko mumusambo uyu zvinofanirwa kunge zvakatsiga zviri zvipfeko zvinokodzera kutsvaka basa nazvo kana zvinokodzera pabasa riri kushandwa. 10.2.14 Musambo wekunamata Uyu musambo watinoshandisa kana tichitaura nenyikadzimu. Musambo uyu tinopira zvichemo zvedu uye kugunun’una nekurumbidza venyikadzimu. Kana tichishandisa musambo uyu tinowanzoshandisa mazwi ekukudza vadzimu vedu kana mwari wedu. Maitiro edu nemapfekero edu anosiyana zvichibva nekuti tinonamata tiri kupi. Basa Itai mitambo yakasiyana-siyana pane zviri pazasi muchashandisa misambo yakakodzera. i) Munyayi ari kuramba mukadzi. ii) Mukomana ari kuda musikana. iii) Mwana ari kuda kutenga muchitoro chako. iv) Kubata maoko pafiwa. 37 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari 10.3 Kupindura Mibvunzo 1. Tsanangura kuti musambo wekutaura chii. [1] 2. Ndeipi misambo inoshandiswa kana tichitaura mune zvinotevera. i) Kana uchida kugara pachigaro chakagarwa nemumwe. ii) Kutaura kutadzirwa kwako. i) Kana uchida musikana ii) Parufu iii) Vanhu vaviri vasiri kuwirirana. iv) Kana uchipa nhoroondo yezvakaitika padare. v) Kana uchitaura uchitarisira zvataurwa neumwe pasi. vi) Kana ukataura uchizviisa padanho repamusoro-soro. vii) Kana uchitsvaga basa. viii) Kana muroora ari pamusha patezvara. [10] 3. Nyora hurukuro diki inoburitsa vanhu vari kushandisa musambo wekusekedzana pachizukuru. Doma zviga zvitanhatu zvinofanirwa kucherechedzwa kuti musambo uri kushandiswa unzi wabudirira. [6] 1. Kugona kushandisa musambo wakakodzera kwakakosherei? [2] 2. Sarudza misambo mitatu yawakanzwisisa ugotsanangura zvinhu zvitatu pazvitanhatu zvawakadzidza zvinofanirwa kucherechedzwa kuti musambo unzi wabudirira. [10] 11.0 MAKAKATANWA Zvinangwa Kutsanangura kuti makakatanwa chii. Kudoma nekutsanangura mhando dzemakakatanwa Kudoma nekutsanangura honzero dzemakakatanwa Kudoma nekutsanangura matanho ekupedza makakatanwa Kutsanangura zvingaitwa nevakuru munharaunda kupedza makakatanwa. 38 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari 11.1 Makakatanwa Chii? Makakatanwa kusagadzikana kwezvinhu mumunhu kana pakati pevanhu. Anogona kuzivikanwa nezita rokuti mapishapisha. Kusawirirana kunowanikwa muupenyu hwatinorarama nekuti vanhu tine mafungiro, maitiro uyewo zvido zvakasiyana. Saka zvakakosha kuti tizive kuti makakatanwa anodiwawo zvakare kunyangwe akaipa kuti zvisina kunaka zvitwasuke hukama hufambe zvakanaka. Anounza vanhu pamwe kuti vagadzirise matambudziko anenge aunza makakatanwa pakati pavo. Kana vanhu vakagona kugadzirisa makakatanwa avo hukama hwavo hunoenda padanho riri pamusoro pane paahwanga huri pakutanga. 11.2 Mhando Dzemakakatanwa. Makakatanwa ari mumhando mbiri huru. Anogona kuve edungamunhu kana kuti pakati pevanhu. Mhando mbiri dzemakakatanwa idzi dzinowanikwa mumakakatanwa anonyuka mumapoka evanhu akasiyana-siyana anosanganisira mumhuri, mumisha matigere, mumabasa, muzvikoro, mumapoka ezvematongerwo enyika nemamwewo atingafunge ane vanhu. 11.2.1 Makakatanwa edungamunhu. Aya makakatanwa anoitika mumunhu. Pane patinotadza kuita sarudzo pakati pezvinhu zvinenge zviripo nekuda kwezvikonzero. Makakatanwa aya anenge ari mauri sedungamunhu. Unogona kuita makakatanwa mauri pasarudzo yekuita chidzidzo X chaunogona kana kuita Y chaunogona zvakare nekuti uri kunzi utore chimwe chete asi iwe uchiona zvose zvakakukoshera. 11.2.2 Makakatanwa pakati pevanhu Aya makakatanwa anowanikwa pakati pevanhu. Aya anogona kuwanikwa pavanhu vaviri kana vakawanda. Mumapoka ari munharaunda hamushaikwe makakatanwa aya anokonzerwa nezvinhu zvakasiyana-siyana. 11.3 Honzero Dzemakakatanwa. Makakatanwa anogona kukonzerwa nezvinhu zvakawanda chose. Mienzaniso yehonzero dzemakakatanwa ndiyo inotevera; a) Simba 39 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari Nyaya yekuda kuva nesimba ndiyo imwe honzeri yemakakatanwa akawanda pasi pano. Mumhuri chaimo baba vanogona kuita makakatanwa nemwana nechikonzero chekuti anenge azvipa simba risiri rake. Ngatifungidzire kugumbuka kungaite baba vako vakazowana iwe wabvumidza hanzvadzi yako kuenda kumutambo webhavhadhe reshamwari yake. Apa unenge wazvipa simba risiri rako, munonetsana pakadai. Idzo hondo dzatinonzwa mazuva ose munyika kana pakati penyika inyaya yesimba. Nhasi uno pane hondo yemazwi neyekugadzira zvombo zvinoparadza voruzhinji pakati peAmerica neNorth Korea nechikonzero chekuti nyika imwe neimwe inoda kunzi ine simba. b) Kusafamba zvakanaka kwemashoko Kusafamba zvakanaka kwemashoko kunoita kuti makakatanwa atange. Shoko rinogona kufamba risiro vanhu votokakatana. Rinogona kusanzwisisika vanhu votokakatana. c) Ruvengo/ Godo Ruvengo kana godo rinounza kusawirirana kana rimwe divi rakazviona kuti haridiwe d) Kusaremekedzana Kusawirirana kunogona kutanga kana pakava nekusaremekedzana pakati pevanhu. Vanhu vanofanirwa kuremekedzana zvisinei kuti munhu akaita sei. Vakuru vakati, ‘Gudo guru peta muswe vadiki vagokuremekedza’. Vakuru vakanga vaona kuti kana pakasava nekuremekedzana saizvozvo, makakatanwa anotanga. e) Kutora divi pane zviri kuitika Kutora divi kunoita kuti makakatanwa atange. Kutora divi pashamwari mbiri dzine maonero akasiyana usingapewo pfungwa dzimwe mukana kunogona kuita kuti makakatanwa atange kana kukura. f) Kurwira pfuma 40 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari Pfuma inokonzera kuti pave nemakakatanwa pavanhu. Mukoma wako anogona kutadza kuwirirana newe nekuti watadza kubata nharembozha yake zvakanaka. Pfuma yasiiwa nevabereki igona kuve honzero yemakakatanwa mumhuri nekuti haina kugoverwa zvakanaka. g) Kuita mikana isina kuenzana Ichi chimwe chezvikonzero zvemakakatanwa. Munhu wose anofanirwa kuwana mikana yakaenzana neyevamwe. Kana pakaita sokuti pava nevamwe vane mikana yakadarika yevamwe panoita makakatanwa. Mumhuri vana vanotarisisa chose kuti zvaitirwa umwe vachazviitirwawo here. Kana muri muchidzidzo murairidzi anogona kukonzera makakatanwa muvana kana akapa vamwe mukana wokutaura kukunda vamwe. Saka vanhu vanofanirwa kuwana mikana yakaenzana kuti pasave nemakakatanwa. h) Kusiyana kwezvitendero Zvitendero zvakasiyana zvinogona kuita kuti pave nemakakatanwa. Vanhu vezvitendero zvakasiyana semaChristians nemaIslam havana muonera pamwe wakanyatsonaka pasi pano nekuda kwekusiyana kwezvavanotenda. Izvi zvinoita kuti dzimwe nguva pave nekurwisana. KuNigeria kunotomboita hondo dzemhando iyi pakati pevatendi ava. i) Guhwa Guhwa ndeimwe honzero yemakakatanwa pakati pevanhu. Makakatanwa mazhinji kwazvo anokonzerwa nezvinotaurwa nevanhu pamusoro pevamwe zvinovanyangadza. Mashoko anotaurwa nemunhu wetatu anogona kuita kuti vanhu vapesane vatadze kuwirirana zvichibva nekuti anenge asvitswa kumuteereri akaita sei. j) kuzvitutumadza/ kuzvikudza 41 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari kuzvitutumadza imwe honzero yemakakatanwa. Munhu ukava nemweya wokuzvitutumadza unonetsana nevamwe vanenge vasingakoshese mafungiro ako. 11.4 Gadziriro Yekupedza Makakatanwa Tisati tasvika pakusarudza nzira yokugadzirisa nayo makakatanwa anenge amuka, zvakakosha kuti tizvipe nguva yekugadzikana tisangomhanya zvakare nekuti makakatanwa acho anotogona kuwedzera iwe uine chinangwa chekuti apere. Tinofanirwa kuzvipa nguva yekumbofunga zvakadzama pamusoro pezvakaitika. Garai pasi panzvimbo yamunosarudza yamunotaura zvakasununguka pasina vanhu vakawanda vanozopinda panyaya yenyu vasina kudaidzwa, kwava kutaura muchipana mikana yokutsanangura divi roumwe neumwe muchiteererana kwete kungoda kunzwiwa iwe woga. Kana pangave nepanoda kujekeswa pananai nguva yokubvunza mibvunzo kuti zvose zvijeke kuti zvakafamba sei. Zvipei nguva yokufunga nzira chaiyo ingapedze gakatanwa ramunaro pakati penyu. Kana maiwana mukaishandisa itai ongororo kuti muone kuti yakakushandirai mose here nzira iyi kuitira kuti mose musare makagutsikana makakatanwa apera. 11.5 Nzira dzatingatore kupedza kana kudzivirira makakatanwa Idzi dzinosanganisira dzinotevera; 11.5.1 Kunzvenga makakatanwa. Zviri nyore chose kudzivirira makakatanwa pane kuzoedza kugadzirisa makakatanwa. Nzira yekunzvenga makakatanwa inzira yakanaka yokupunyuka makakatanwa. Tinofanirwa kugona kucherechedza kuita kunogona kutiwisira mumakakatanwa isu tosiya gwara iroro kana kurega kutaura nezvazvo kana kungosiya zvingaunza makakatanwa zvakadaro dzimwe nguva kana kuzvitora sezvinhu zvisina basa. Zvakanakira kunzvenga makakatanwa - Kunzvenga makakatanwa hakukupinze mumakakatanwa wakatarisa uchitoziva zvako. 42 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari - Kunzvenga makakatanwa kunokupa mukana wokuita zvinhu zvakakosha pane kuzvipinza mumakakatanwa. - Hauzopinda munyaya dzausingagone kupedza. - Kunokupa mukana wokugadzirira kupinda mumakakatanwa acho kana ungade kupindamo Zvakaipira kunzvenga makakatanwa - Unoita munhu akashoreka anonzvenga makakatanwa. - Unogona kutadza kuwirirana nevanotarisira kuti ugadzirise makakatanwa iwe waanzvenga. - Kunzvenga makakatanwa hakugadzirise dambudziko rinenge riripo. 11.5.2 Kubvuma kukurirwa Iyi inzira yokupedza makakatanwa nokubvuma kukurirwa pamakakatanwa asi chinangwa chiri chekuti makakatanwa apere chete. Kana pakashaya anoderera pavakakatani makakatanwa haaperi. Zvakanakira nzira iyi - Makakatanwa anokurumidza kupera nekuti kudhonzedzana kunenge kwapera. - Kunyangwe pangange pasina kugutsikana kune abvuma kukurirwa, nzira iyi inoita kuti pambove nerunyararo pachitsvagwa kuti dambudziko riri kuunza makakatanwa rogadziriswa sei. Zvakaipira nzira iyi - Iyi inzira inosiya vanhu vasinganyatsowirirana nekuti umwe anenge angobvuma kukurirwa kuti zvipere chete asi asina kukurirwa zvomene. - Mapato ose anogona kusagutsikana kunyangwe bato rakurira mumakakanwa acho nekuti zvinogona kunge zviri pachena kuti kubvuma kunenge kwaitwa kunenge kwakananga nekungopedza makakatanwa. 43 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari - Pfungwa dzinokurira mumakakatanwa apa dzinogona kunge dzisina kunaka nekuti rimwe divi pamakakatanwa rinenge rangobvuma kukurirwa. - Kubvuma kukurirwa kunopa pfungwa dzisidzo dzekuti divi rakurira nemutowo uyu rinogona kuzvitutumadza pasina. 11.5.3 Kugadzirisa dambudziko riripo Iyi inzira yokugadzirisa nayo makakatanwa inovavarira kusiya vanhu vose vari mumakakatanwa vachifara iwo makakatanwa acho apera. Panotsvagwa nzira chaiyo ingapedza kukakatana inofadza munhu wose nekuti inenge yabata zvido zvavo vose vakakatani. - Zvakanakira nzira iyi Iyi inzira inogadzirisa dambudziko chairo riripo. Vose vari mumakakatanwa vanosara vachifara zvido zvavo zvagadziriswa. Iyi inzira inosimbaradza rudo, kuwirirana uye ukama pakati pevakakatani. Kushandisa nzira iyi kunoita kuti munhu apiwe pembedzo yekugona kupedza kana kugadzirisa makakatanwa. Zvakaipira nzira iyi - Inzira inoda kuti vari mumakakatanwa vange vachida kugadziriswa kuti zvifambe. - Nzira iyi inoda nguva refu kuti pave nekufadza mativi ose ari mumakakatanwa. 11.5.4 Kumanikidzira zvinhu Iyi inzira yokuita zvido zvako chete pakupedza makakatanwa. Hazvina basa kuti zvido zvako zvinenge zvichirambwa nerimwe divi here. Izvi zvinoitwa paine chikonzero chekugadzirisa zvinhu nekukurumidza. Izvi zvinowanzoitwa kana waona kuti hapana nguva yekuswerovhiya nekuti 44 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari dambudziko rinogona kunge riripo rinenge richigona kupinza vanhu munjodzi kana pakasakurumidzirwa. Zvakanakira nzira iyi - Inogadzirisa zvinhu nenguva pfupi. - Inoita kuti agadzirisa makakatanwa azvirove dundundu nekukurira. Zvayakaipira - Inzira inokwanisa kuti ukama hubva hwangoshata zvachose. - Inogona kuita kuti makakatanwa arege kupera asi kuti akure. - Inzira yakaoma yekupedza nayo makakatanwa nekuti panogona kunetsanwa zvikuru. 11.5.5 Kuteerera nokupawo mafungiro evamwe mukana. Iyi inzira yokunyatsoteerera pfungwa dzevamwe nekudzipawo mukana usati wakoshesa mafungiro ako. Zvayakanakira - Pane nguva kana mukana wokuongorora nekugadzirisa makakatanwa nepfungwa dzakakodzera. - Inzira ine mukana wenguva yokugona kuona zvakakosha nezvisina kuti makakatanwa apere. Zvayakaipira - Inoda kuichenjerera nekuti vanhu vanogona kutora mukana wenguva iripo kukuitira zvausingade nekuti vanenge vane nguva yacho. - Inzira inokanganisa kugona kugadzirisa makakatanwa nekuti dzimwe nguva zvinopiwa mukana zvinenge zvisiri zvinhu kwazvo. - Inzira inopedza nguva. 45 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari 11.6 Zvingaitwa Nevakuru Vemunharaunda Kupedza Makakatanwa Vakuru munharaunda vanofanirwa kuve mucherechedzo wekuita kwakanaka munharaunda. Zvavanoita nezvavanotaura hazvifanirwe kukonzera makakatanwa. Vanofanirwa kuunza vanhu vavo pamwe chete nekuita zvirongwa zvinoita kuti kutanga kwemakakatanwa kuite kushoma munharaunda sokuita misangano yekukurukura pamusoro pezvinetso zvevanhu vovagadzirisa zvisati zvaenderera. Pavanouya sevayananisi, havafanirwe kutora divi kuti vagone kugadzirisa makakatanwa. Vanofanirwa kuona kuti hupfumi hwemunharaunda huri kubatsira vagari venharaunda dzavo uye huri kuunza budiriro mumatunhu avo nekuti kusafamba zvakanaka kwepfuma kunokonzera makakatanwa. Vanofanirwa kuita hurongwa hwekupedza urombo mumatunhu avo kuti pasaita makakatanwa pakati pevarombo nevapfumi. 11.7 Kupindura Mibvunzo 1. Tsanangura kuti makakatanwa chii. [1] 2. Doma mhando mbiri huru dzemakakatanwa. [2] 3. Sarudza nzira imwe yekugadzirisa nayo makakatanwa ugoitsanangura zvizere kubva kumashandiro ayo, zvayakanakira uye zvayakaipira. [6] 4. Makakatanwa anganzi akanakirei? [2] 5. Doma honzero dzemakakatanwa nomwe. [3] 6. a) Doma vakuru vaviri vemunharaunda. [1] b) Tsanangura zvinhu zviviri zvingaitwa nevakuru ava pakupedza makakatanwa munharaunda. [4] 46 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari 7. Tsanangura zvinhu zvitatu zvingakonzera makakatanwa munyika. [3] 12.0 MITUPO NEZVIDAWO Zvinangwa Kutsanangura mazwi anoti mutupo, chidawo, chierwa Kutsanangura mavambo emitupo 47 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari Kutsanangura zvakaita kuti pave nezvidawo zvakawanda pamutupo umwe. Kudoma zvidawo zvemitupo yakasiyana-siyana 12.1 Mutupo Iri izita rinopiwa vanhu vedzinza rimwe chete. Sokuti; Vemutupo weTembo, vanhu vedzinza rimwe chete rinoera mbizi. 12.2 Chidawo Iri izita rinozivikanwa naro madzinzanyana mumutupo umwe neumwe. VanaTembo vanogona kuzivikanwa nezvidawo kana kuti madzinzanyana anoti, Mazvimbakupa, Mubaiwa, Mudyanevana kana Wakapiwa. Aya madzinza akazonyuka mumutupo weTembo vanhu vave kuzvisiyanisa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana. Kana mutupo uchitaurwa nezvawo munhu anotaura mutupo wake neChidawo chake rinove dzinzanyana mudzinza guru sokuti; Tembo Mazvimbakupa, Tembo Mudyanevana kana kuti Tembo Wakapiwa. Chidawo chinoedza kudzora dzinza kuriita diki kubva kuguru sezvataona padzinza retembo. Zvidawo zvataona zvakasiyana-siyana izvo zvinodzora ukuru hwedzinza revanhu veTembo vachipinda muzvikwata zvidiki zvemadzinza mamwewo asi ose achibva muTembo yakare. 12.3 Chierwa Imhuka, nhengo yemuviri yemhuka kana chipuka chamunosungirwa kusadya muchichieresa somucherechedzo weukama hwevedzinza renyu. Chierwa chevedzinza rekwaTembo imhuka inonzi mbizi. 12.4 Mavambo Emitupo Vakuru vedu vakaona zvakakodzera kuti vanhu vazivikanwe kuburikidza nemitupo kuti zvive nyore kusiyanisa vanhu vane ukama nevasina. Izvi zvakaita kuti nyaya yekuroorana ive yakatungamirwa nemitupo iyo inotsaura vane ukama ichisiya vatorwa vanogona kuroorana. Kuuya kwemitupo kwakavewo 48 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari kuchengetedzwa kwemhuka dzakave micherechedzo yeukama hwevanhu. Mitupo yakaita kuti vanhu vagone kuchengetedza mhuka dzavo nekuti kuita madiro nemhuka dzose dzose kwakabva kwapedzwa nemitupo iyi yairaira kuti mitupo yaisadyiwa. VeTembo vose vanoera mbizi havadye mbizi. Vakaiona vanoedza nepose pavanogona kuti ichengetedzeke nekuti mutupo wavo. VeShavawo vanokoshesa mhofu, havafanirwe kudya mhofu kana zvakadii. Ndizvo zvimwe chete nemadzinza akawanda emitupo yemhuka dzakasiyana-siyana. Kudya mutupo kwaityisa nokuti zvainzi ukadya mutupo waigona kubva mazino ose kana kuita minyama yakaoma kwazvo. Saka mitupo yakaita kuti mhuka dzakawanda dzigone kuramba dzichiwanikwa kusvika makore ano anhasi. 12.5 Mitupo Yakasiyana-siyana Zvikonzero zvaikamura vanhu vaive neukama zvakazoenda zvichiwanda. Uku ndiko kwakavawo kuwanda kwezvidawo nemitupo vanhu vave kuedza kuzvikamura kubva kumitupo yakatanga. Izvi zvaiitika nenyaya dzekutadza kuwirirana umwe okamuka muchidawo chavo ozvipa chake nemhuri yake kana kuita mutupo mutsva kuri kuedza kukamuka kubva kudzinza rakatanga. Uku ndiko kwakava kuwanda kwemitupo nekuwandawo kwezvidawo zvemitupo yakasiyanasiyana. Nyaya dzekuroorana dzaiita kuti vanhu vachekane ukama popedzisira pave nemutupo kana chidawo chitsva kuri kuitira vaida kuroorana kuti vaenderere mberi. Nyaya yekuda simba yakaitawo kuti vanhu vatange mitupo yavo. Kana munhu aitanga dzinza kana dzinzanyana rake aibva ava nesimba nedzinza iroro zvokutogona kuve mambo wedzinza iroro. Kunzvenga kutadza kwemadzitateguru kwakaitawo kuti vanhu vade kuva nemitupo mitsva isina zvipomerwa zvemadzinza avo chaiwo. Izvi zvimwe zvezvikonzero zvaiita kuti pave nemitupo nezvidawo zvakawanda vanhu vachiedza kuzvitsaura kubva kumadzidza eruzhinji rwekwavo. Imi tsvagai zvimwe zvikonzero zvamungawane. 49 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari 12.6 Mienzaniso Yemitupo Nezvidawo Zvayo Zvakasiyana-siyana. Mitupo iri munyika ino yakawanda zvokudarika makumi maviri. Imwe yemitupo iyi inosanganisira; Tembo, Moyo, Shumba, Shava, Gusho, Soko, Gumbo, Gushungo, Humba, Nzou nemimwe yatichaona pazasi. 12.6.1 Mutupo weTembo nemapazi awo Uyu mutupo wakabva payemuro yerunako rwemhuka inonzi mbizi. Mutupo weTembo une zvidawo nezvierwa zvinotevera; Mutupo Tembo Tembo Tembo Tembo Tembo Tembo Chidawo Mazvimbakupa Mubaiwa Mudyanevana Wakapiwa Samaita Karimudeve Chierwa Mbizi Mbizi Mbizi Mbizi Mbizi Mbudzi 12.6.2 Mutupo weShava nemapazi awo Mutupo uyu wakabva payemuro yemhuka inonzi mhofu. Mutupo uyu une zvidawo zvinotevera; Mutupo Chidawo Chierwa Shava Shava Shava Shava Shava Gonde Mazarura Matemai Mhofu yomukono Mufakose Mhofu Mhofu Mhofu Mhofu Mhofu 50 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level Shava Shava Shava Shava Shava Shava Shava naNick Mufutumari Mupamombe Museyamwa Mutenhesanwa Mwendamberi Nematombo Zuruvi Simboti Mhofu Mhofu Mhofu Mhofu Mhofu Mhofu Mhofu 12.6.3 Mutupo weMoyo nemapazi awo Vanoera mutupo uyu vanoera mwoyo wemhuka ipi neipi zvayo asi vanodya imwe nyama yose kunze kwemwoyo chete. Mutupo uyu une zvidawo zvinotevera; Mutupo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Chidawo Akatakwa Bvumavaranda Chikonamombe Chirandu Mateere Moyondizvo Mukondiwa Mushoriwa Muzukuru Nematombo Sayi Sinyoro Sithole/Khumbula Wadyegora Wakapiwa Yavajena Zariro Kaduku Chierwa Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo Mwoyo 12.6.4 Mutupo weNzou nemapazi awo Mutupo Nzou Nzou Nzou Chidawo Mukotami Nyamasvisva Samanyanga Chierwa Nzou Nzou Nzou 51 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level Nzou Nzou naNick Mufutumari Mbano Matemavi Nzou Nzou 12.7.5 Mutupo weShumba nemapazi awo Mutupo Shumba Shumba Shumba Shumba Shumba Shumba Shumba Shumba Shumba Chidawo Gurundoro Jichidza Mhazi Mhazipwere Murambwi Nechinanga Nyamuzihwa Sipambi Chimbwa Chierwa Shumba Shumba Shumba Shumba Shumba Shumba Shumba Shumba Shumba 12.6.6 Mutupo weSoko nemapazi awo Mutupo Soko Soko Soko Soko Soko Soko Soko Soko Soko Soko Soko Chidawo Vhudzijena Chirongo Wafawanaka Murehwa Mbire Jena Kumene Murehwa Mukanya Nehumba Nyadawa Chierwa Tsoko/ gudo Tsoko/ gudo Tsoko/ gudo Tsoko/ gudo Tsoko/ gudo Tsoko/ gudo Tsoko/ gudo Tsoko/ gudo Tsoko/ gudo Tsoko/ gudo Tsoko/ gudo Chidawo Chiunga Humba Nyaguru Mahombarume Chierwa Nguruve Nguruve Nguruve Hungwe 12.7.7 Mitupo mimwewo Mutupo Makombe Shiri 52 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level Gumbo Gwai Mheta/ Dhliwayo Tsiwo Gusho Dziva Nhewa Nhari Shonga Musoni naNick Mufutumari Maokomavi Simbirori Zenda Marunga Madyirapazhe Mukuruvambwa Gumbi Chuma Svova Gushungo Chikonamombe Hove Muyambo Save Dziriro Simboti Unendoro Nyati Mhizha, mambeva Chiwambo Maremba Hungwe Hungwe Hungwe Hungwe Gumbo Hwai Hwai Hwai Shato Sikarudzi yechidzimai Mhara Hove Hove Hove Hove Ingwe Nhuka Nyati Mbeva Mbeva Mbeva 12.7 Mabasa Emitupo Mitupo inoita kuti vedzinza rimwe vazivane. Kana munhu wakasangana nemunhu ane mutupo wakafanana newako kunyangwe uri kunzvimbo ipi zvinobva zvava pachena kuti muri vanhu vedzinza rimwe. Mitupo inoshanda segwara ratinogona kushandisa kuronda matsimba emadzinza evanhu vemhuri imwe kudzokera makare kare. Zviri nyore kuronda hukama hwevanhu pakugadzwa kwamambo nekuda kwemitupo iyi. Mitupo inoita kuti vanhu vachengetedze zvisikwa zvinosanganisira shiri, mhuka nezvipuka zvesango zvinoereswa nevanhu vasingazvidye sezvierwa zvavo. 53 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari Inoita kuti vanhu vedzinza rimwe vasaroorane. ChiVanhu chedu hachitendere vanhu kuroorana kana vari vemutupo umwe chete nekuti zvinonzi muri hama nehama. Dai vanhu vakaramba vachiroorana vemhuri imwe inga dai ukama hwedu huri masanganiswa huchinetsa kuhubatanidza nekuhutsanangura. Inoita kuti vanhu vave nezvakanaka zvavanoda kuzivikanwa nazvo sedzinza zvavanotora kubva kumaitiro ezvierwa zvemitupo yavo sokuti ungwaru nerukudzo hune tsoko. Izvi ndizvo zvakasakisa kuti pave nenhetembo dzemadzinza. Mitupo inoshanda senhungamidzo yekukudzana nayo. Tinogona kukwazisa munhu kana kumukudza nemutupo wake. Munhu wose anonzwa kuremekedzwa kwazvo kana akachingamidzwa nemutupo wake. Mutupo unonzi unoshandiswawo nevaya vanodeketera pamusoro pedu kunyikadzimu. Unonzi ndiwo unoita kuti vagone kuwana simba pamusoro pedu. Mitupo yakava nzira yekupaza ukama hwaiva nevanhu ava kuti vagone kuroorana. Kana takatarisa makare kare, vanhu vaiva vashoma saka hukama hwaive nevanhu hwaisava kure. 12.8 Kupindura Mibvunzo 1. Tsanangura mashoko anotevera. Mutupo, Chidawo, 54 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level 1. 2. 3. 4. naNick Mufutumari Chierwa. [3] Nyora zvidawo zvitatu zvakasiyana zvemutupo weShumba. [3] Ndezvipi zvinhu zviviri zviviri zvaungafunga kuti ndizvo zvakachiviwa nemadzinza akasarudza zvierwa zvinotevera kuti ive mitupo yavo? i) shumba [2] ii) mbizi [2] Tsanangura zvinhu zvishanu zvakakoshera mitupo. [5] Vanhu vane mitupo inotevera vanoera chii? a) Gwai b) Mheta c) Dziva d) shuri 13.0 MIDZIMU Zvinangwa Kutsanangura kuti mudzimu chii. Kudoma mhando mbiri dzemidzimu Kutsanangura mauyiro emudzimu pamunhu. Kudoma mabasa emidzimu muvanhu. 55 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari 13.1 Mudzimu Chii? Mudzimu mweya womunhu mukuru akafa unodzoka kana kuti unodzorwa kuvapenyu kuti ugovachengeta uchivapa gwara remararamiro akanaka. 13.2 Mhando Dzemidzimu Pane mhando mbiri dzemidzimu dzinoti; a) Midzimu yedzinza. Midzimu yedzinza ine chekuita nemadzinza edu atinobva. Midzimu yemumusha inonangana nekubatsira vedzinza raiye mushakabvu vane hukama hwepedyo hwevabereki vamwe vari vemutupo umwe. b) Midzimu yenyika. Kunewo midzimu yenyika, iyi ine chekuita neruchengetedzo rwenyika yose. Iyi hapana anogona kuiita yavo nekuti hainangane nemunhu umwe kana dzinza rimwe nekuti midzimu yenyika yose. Ndiyo iya yatinozonzwa yonzi mhondoro. Mhondoro mudzimu wemunhu akafa ari mambo. Mweya wemunhu akadaro kana wodzoka semudzimu haunangane nekuchengetedza vekwake sezvinoitwa nemidzimu yemadzinza, asi kuti unoita mudzimu wenyika yose nekuti ndiro raiva basa rake rokutarira nyika yose. Kare umambo hwaisangogarwa chete, ainge apiwa umambo nemhondoro aizogadzirwa nemushonga wainzi pipi kana kuti tsenga waizoita kuti kana afa mweya wake uzogona kumuka uchiita mudzimu wenyika. 13.3 Munhu Ane Mudzimu Munhu ane mudzimu anozivikanwa sehomwe, svikiro kana gombwe. Anonzi ihomwe nekuti anenge achitorwa sehomwe inochengeta mudzimu wedzinza. Anogonawo kunzi svikiro achitorwawo senzvimbo inosvikira mudzimu kuvanhu. 13.4 Kuuya Kwemudzimu Tinotenda pachivanhu chedu kuti munhu haafiririre kwete, zvinonzi mweya wake unorarama nekusingapere. Mweya iwowo ndiwo unozodzorwa mumusha kana patambwa guva remufi kuti uzochengetedza mhuri yemufi. Izvi zvinoreva kuti mudzimu waidzorwa mumusha waiva womufi ainge asiya mhuri. Ainge asina mhuri aibva avigwa neguri kana gonzo. Izvi zvaiitirwa kuti hapana chaaizodzokera nekuti kunze kwainge kusina mwana wake waanofanirwa kutanga kuchengetedza 56 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari kuti azochengetawo vamwe. Aifa nekuzvisungirirawo mweya wake waisafanirwa kuzodzoka semudzimu nekuti rufu rwemunhu uyu rwainge rwakashoreka rwusiri rwemudzimu saka mudzimu wakadaro waisagona kuchengeta vapenyu. Mudzimu waigona kuuya nenzira mbiri. Waigona kuuya nekudzoswa mumusha nebira raitotambwa paine chinangwa chekudzosa mudzimu kuti uuye pahomwe yainge yasarudzwa nevedzinza kana kuti akanongedzwa kugata kuti ndiye aifanirwa kuzosvikirwa nemudzimu iwowo. Mudzimu waigona kuuya wega. Kana mudzimu wainge wada kuuya munhu aionekwa nekuita kwakasiyana nekwemazuva ose. Munhu aigona kungorwararwara zvisina tsarukano kana kungoita hunhu hwakasiyana nehwaizivikanwa pamunhu iyeye zvokuti zvaipa vanhu mibvunzo. Kana zvadai vakuru vaienda kugata kun’anga uko vainoudzwa zvaive pamwana. Ikoko ndiko kwavaibva vabvunza zvaidiwa kuti zviitwe kuti mudzimu usvike zvakanaka kana zvaiva zvekuuya kwemudzimu. Bira raizoitwa rekuunza mudzimu mumusha. 13.5 Ndiani Anogona Kuita Mudzimu? Mudzimu unogona kuenda pamwana mudiki angave musikana kana mukomana. Unogona kuenda pavakuru chaivo semurume kana mukadzi kana pangave pachembere kana paharahwa chaiyo zvichibva nekuti munhu iyeyo anenge asarudzwa chete kuva munhu akakodzera kugarwa nemudzimu iwowo. 13.6 kupira Midzimu Kupira midzimu kutaura nemidzimu. Kutaura nemidzimu uku kunoitwa kana munhu akadawo zvake kutaura nevadzimu vake achivapira zvichemo zvake. Ndipo paye pamunoona mukuru aenda pangave pachikuva mumba yokubikira kana kuti pasi pemuti unonzi munhondo ava kuombera nhondo kumadzitateguru ake achipira zvichemo zvake. Kupira uku kunogona kuitwa pabira rinotoitwa paine chinangwa ichi. Kazhinji kana pakaitwa zvemutambo uyu zvinoreva kuti panenge paine chikuru chavange vachida kubatsirwa nacho nemadzitateguru avo. Panobikwa doro vanhu vonwa doro iri voimba nekutamba ngoma kana mbira. Vanogona kudeketera kuvadzimu vanodeketera nemitupo yavo kuvadzimu vachikumbira zvavanenge vachida kana kutenda pane zvavanenge vagonerwa nemidzimu iyi. 57 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari 13.7 Mabasa Emidzimu Midzimu yaiva yakakosha kwazvo muhupenyu hwevanhu, yaiita mabasa aisanganisira anotevera; 13.7.1 Basa remidzimu yemadzinza Kubatanidza vanhu nenyikadzimu yavaisaziva. Yaisvitsa zvichemo kuna nyadenga nekupa vanhu mhinduro yaibva kuna nyadenga pane zvavaishuvira. Yaipa chenjedzo pane zvaiitika mumusha. Ndiyo yaikomborera vanhu kuti vawane zvavaida sepfuma kana mukadzi kwaye kana kubaya mhuka kana vaenda kunovhima. Ndiyo yairwira vanhu mumatambudziko nekuvachengetedza. Yaipa zvitarafu kune vaiita hunhu husina kunaka. Yaiita kuti mhuri dzive nerunyararo 13.7.2 Basa remidzimu yenyika Nyika yaichengetedzwa nemidzimu yenyika. Midzimu yenyika ndiyo yainokumbira mvura kuna musikavanhu. Yaichenesa kana kuchenura nzvimbo dzinenge dzichiitika masaramusi aitadzisa vanhu kugara zvakanaka. Yaichenura vaye vaiita zvimina sokuita makunakuna. Yaiona nezvekugadzwa kwemadzimambo. Mambo aisava wedzinza rimwe saka midzimu yenyika ndiyo yaiona kuti ainge akakodzera kuita mambo ndiani. Yaipawo zvitarafu kuvanhu vaitadzira nyika. 13.8 Kupindura Mibvunzo 1. 2. 3. 4. Tsanangura kuti mudzimu chii. Doma mhando nhatu dzemidzimu. Ndeapi mazita matatu anogona kupiwa munhu ane mudzimu? Tsanangura zvinhu zvina; a) zvaive zvakanakira midzimu yemadzinza [2] [3] [3] [4] 58 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level b) zvina zvakare zvaive zvakanakira midzimu yenyika. 5. Sei vanhu vasisakoshesa midzimu yavo mazuva ano? naNick Mufutumari [4] [4] 14.0 N’ANGA Zvinangwa Kutsanangura kuti n’anga chii. Kudoma nekutsanangura mhando nhatu dzen’anga Kutsanangura mabasa en’anga Kutsanangura basa ranechombo wen’anga Kutsanangura mawanirwo esimba reun’anga. Kutsanangura zvipeto zvepan’anga. 59 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari 14.1 N’anga Chii? N’anga munhu anoshopera matambudziko angava nemunhu nekupa rubatsiro rwakakodzera sekushopera ane urwere nekumurapa kana kushopera honzero yengwavaira ingave mumusha nekupa rubatsiro rwekuti zvingapedzwe sei. N’anga dzine mashave kana midzimu inodzibatsira pabasa iri. N’anga dzinorapa kana shavi kana mudzimu wapotera. Kana mudzimu iwowo kana shave iroro rakakanganiswa hun’anga hunobva hwaparara. Dzinoshandisawo hakata kuti dzitsanangure matambudziko ehurwere anenge aripo. 14.2 Hakata Midziyo inoshandiswa nen’anga kuti dzitaure nevadzimu pane zvingade kuti zvizivikanwe nemunhu anenge aine dambudziko. Dzinosiyana-siyana nekuti n’anga inoshandisa chii. Anogona kuve mabhonzo, matombo, zvimiti zvakagadzirwa kubva pamutohwe kana makoko etwuhozhwa twudiki kana zvimwewo. Pahakata idzi pane dzinomirira mashave echikadzi dzinonzi Nhokwara nedzimwewo dzinonzi Kwami dzinomirira mashave echikadzi zvakare. Dzinomirira mashave echirume imhando mbiriwo zvakare dzinonzi Chitokwadzima kana kuti Chirume. Hakata dzinopotserwa pasi n’anga yotsanangura kuti kurongana kwadzo pasi kunorevei kuhurongwa hwedambudziko rine munhu. Kana n’anga yoda kuudza munhu magadzirisirwo angaitwa dambudziko rinenge richimudzudza, inogona kushandisa hakata idzi zvakare kuti iudzwe nevari kumhepo kuti chii chinodiwa. 14.3 Nechombo /Makumbi. N’anga dzinorapa dzichibatsirwawo nemunhu anonzi nechombo kana kuti makumbi. Uyu ndiye mubatsiri wen’anga pabasa rayo uyo anogona kuva muzukuru, mwana, murume kana mudzimai wen’anga. Mabasa anechombo kana makumbi anosanganisira; Kuomberera mudzimu wen’anga kuti usvike kana wodiwa pabasa. Kutsanangurira murwere zvinenge zvichitaurwa nen’anga. Kuchengeta hakata. Kuchera mishonga. 60 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari Kubata mishonga nemakona pakurapa. Kubata miripo yen’anga. Ndiye anoziva midziyo inodiwa panguva yakakodzera sehakata. Inoshandiswa nen’anga pakurapa. 14.4 Mawanirwo Esimba Roun’anga Hwedzinza Un’anga hwerudzi urwu chipo chinouya kubva kumadzitateguru en’anga. Hunogona kutambidzanwa mumhuri imomo huchibva pane umwe hwoenda pane umwe senhaka. Hwekutenga. Humwe hunoitwa zvokutengwa kubva kune vane simba racho. Uhwu ndihwo hwakatekeshera nenyika huzere nevanhu vamwe vanonyepa. Hunogona kubva musimba rezvikwambo kana nyanga kana hwave hun’anga hwekutenga. Hwenjuzu Vamwe vanowana hun’anga hwenjuzu hunonzi hunobva pasi pemvura. Kazhinji vanhu vane hun’anga hwerudzi urwu vanoti ivo vanenge vakabatwa nenjuzu vakaendwa navo pasi pemvura apo vanonogara vopiwa chipo ichi vozodzoka vave zvitopota zven’anga. 14.5 Ndiani Anogona Kuve N’anga Hun’anga hunoitwa nevakadzi kana varume. Ava vanofanirwa kuve vanhu vanogona kubatsira vanhu vachishandisa mashave avo ehurapi panguva yakakodzera. Vanhu ava vanofanirwa kugona kuita mashura kana achidiwa uye kuva vanhu vane hun’anga hunotendwa munharaunda. 14.6 Miripo Yen’anga (Zvipeto) N’anga dzairipisawo vaya vanenge vaenda kwadziri vachida kubatsirwa. Ava vaibvisa zvipeto zvakasiyana-siyana sekurehwa kwazvo nen’anga. Zvimwe zvacho ndizvo zvinotevera; 61 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level Muripo Badza Mhandamidzi Tsvukamukanwa Huku Musharo Bikiro naNick Mufutumari Tsananguro Muripo wekuti muone n’anga Muripo webasa rekutsvaka mishonga Muripo wekunwa kana kukweva ropa pakurapa Muripo unogona kupiwa n’anga kuti itange basa Muripo unopetera zvose zvaitwa nen’anga Muripo wefodya kun’anga yaiunzwa nemurwere. 14.7 Mabasa En’anga Kushopera kuti dambudziko reurwere riri kukonzerwa nei. Kurapa urwere. Kuuka mweya ungagona kutsanangura chimiro chedambudziko. Kubvisa zvipotswa zvinoiswa nevaroi mumunhu. Kubvisa mamhepo. Kuronga matare nemudzimu wemunhu ane dambudziko kuti anzwe zvinodiwa nemidzimu yake kuti abve mushangwa iyoyo. Kuuchika vaya vanenge vashaya mbereko. Kushereketera munhu kuti aite rushambwa sokupinga mhararano kuti munhu akafamba nepo awane zvinomuwana. 14.8 Kupindura Mibvunzo 1. Tsanangura kuti n’anga chii. 2. Ndeapi mazita maviri anogona kudaidzwa nawo mubatsiri wen’anga? 3. Doma mabasa mashanu aiitwa; a) ne’anga. b) nanechombo 4. Tsanangura nzira nhatu dzemawanirwo esimba reun’anga. 5. Chii chinonzi hakata. 6. a) Zvipeto zvii. 62 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari b) Tsanangura zvipeto zvinotevera. i. ii. iii. iv. Mhandamidzi Tsvukamukanwa Huku Badza 15.0 ZVIERAERA ZVEVASHONA Zvinangwa Kutsangura kuti zviera zvii. Kutsanangura zvainzi zvaiitika kana watyora zvierwa. Kutsanangura zvakanakira zvierwa muhupenyu. 15.1 Zvieraera Iyi mitemo yaicherechedzwa mumagariro eVaShona iine chinangwa chekuti vanhu vagare zvakanaka. Haisi mitemo yakanyorwa kwete asi kuti yaidzidziswa 63 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari munhu kuti aitevere kubva paudiki hwake nevakuru. Zvieraera zvinogona kuonekwa zviri muzvikwata zvitatu zvinotevera; b) mashura a) zvierasiri c) zviera ZVIERAERA 15.1.1 Zvierasiri Zvierasiri ndezvemitemo yekurambidza kuita kwaisadiwa mukugara kwevanhu nekuvatyisa. Vaizoita kuita kwairambwa vainzi vaizopesana nemidzimu. Kupesana nemidzimu kwaireva rushavashava kana rushambwa rwainzi rwaizouya kumuparanzvongo sechitarafu. Izvi zvaisava chokwadi, chokwadi chaivepo chaive chokuti kana waityora zvierasiri wainge uchitsaudzira gwara remararamiro izvo zvaizogona kuti upinde munjodzi kana kuti utadze kugarisana nevamwe zvakanaka wakanganisa nyaya yehutsanana yaikosheswa kana kuti waita unhu kana tsika dzaisadiwa. Chikwata chemitemo iyi chaive chakanangana nokuti; 64 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level i) ii) iii) naNick Mufutumari Vanhu vachengetedze utsanana. Vachengetedzewo tsika nemagariro akanaka. Vanhu vasapinde munjodzi. Mienzaniso; 15.1.1.1 Zvierasiri Zvoutsanana i) Zvaierawo kugara paduri kana kugara paguyo. Zvainzi waizofirwa nevakadzi vose kana waizoroora. Murango uyu watyisa varume. Hapana aizoda zvakare kufirwa nemukadzi osara ava mugota zvakare. Izvi zvaiitirwa kuti pave nekuchengetedza utsanana pamidziyo yaigadziriswa zvokudya. ii) Zvaiera kudyira muhari. Zvainzi munhu aizoita mahobi kana aizodyira muhari. Izvi zvaiitirwa utsanana nekuti hari ndidzo dzaibikirwa saka zvaisava nehutsanana kuti munhu adyire imomo. iii) Zvaiera kuchera mvura nehari yaive nematsito. Zvainzi zvaizokonzera kuti tsime ripwe vanhu voshaya mvura. Chierasiri ichi chaiitirwa kuti vanhu vachengetedze matsime aicherwa mvura neruzhinji akachena kuitira kuti utachiwana hunokonzera zvirwere husapararira. iv) Kugara murusero kwaiera nokuti kwainzi kwaikonzera kuti munhu ave muroyi. Muroyi munhu akashoreka zvikuru muChivanhu chedu nekuti anonzi anoita mabasa akashata zvikuru anosanganisira kurwarisa, kukonzera rufu uye kudya nyama yevanhu, saka hapana aida kuva muroyi. Chierasiri ichi chaive chakaisirwa kuti vanhu vachengetedze utsanana mumidziyo yakaita seiyi nekuti yaiisirwa zvokudya. v) Zvaiera kuwetera mumvura nekuti zvainzi waizotadza kuzvara. Chierasiri ichi chaive chiripo kuti vanhu vachengetedze utsanana patsime raicherwa mvura neruzhinji nokuti zviri nyore kuti urwere hupararire nemvura. vi) Kupfira mate parufu kwainzi kwaiera nokuti kwainzi kwaikonzera kuti hama yako kana kuti iwe ufewo. Chaivepo ndechekuti vanhu vaida kuchengetedza utsanana. Parufu panenge paine vanhu vakawanda zvokuti urwere hunokurumidza kupararira kana pakasaitwa zveutsanana. 65 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari 15.1.1.2 Zvierasiri zvekudzivirira njodzi a) Zvaiera kugara papfihwa kana padanda riri pamoto. Zvainzi waizouraya mukadzi wako. Hapana aida kuuraya munhu nekuti kuita uku chinhu chinotyisa kwazvo muVaShona. Tinotya ngozi nekuti tinotenda kuti mweya wemunhu haufe saka unozouya kuzorwisa nekuparadza dzinza remunhu anenge auraya. Saka chierasiri ichi chaibva chazochengetedzwa chose nekuti vanhu vaitya zvekusorera mhuri ngozi yaigona kupedza rudzi rwose. Kana munhu aizotyora chierasiri ichi achinogara papfihwa aigona kugara pfihwa raitsva akatsva. Kareko zvipfeko zvedu zvaive zvisina kuita sezvanhasi. Vadiki vaitongogara vakashama vasina kana chavainge vakapfeka. Kana paiwana mudiki ainogara papfihwa raitsva akashama kudaro aigona kutsva zvikuru kwazvo saka vakuru vaidzivirira njodzi dzakadai. Zvaiitirwazve kuti zvaizove nyore kutsenhura zvirongo zvaive pamoto. Izvi zvaigona kuita kuti vaigona kunge vari kumoto vatsve. b) Kugara mumugwagwa kwainzi kwaiunza ngwavaira yemamota. Chirwere chemamota chirwere chinorwadza zvikuru. Mota rimwe chete rinotoita kuti umbopinda mugudza. Kangani kuzoita chirwere chemamota? Saka hapana aizotyora chierasiri ichi nekutya mamota. Kana paizoita ny’any’a dzaityora chierwasiri ichi dzaizviisa mungozi yekutsikwa nevanhu kana mhuka mumugwagwa imomo zvinove zvaidzivirirwa apa. Chierasiri ichi chaivepowo kuti vanhu vasakanganise kushandiswa kwemigwagwa. c) Kufamba nenhendeshure kwaiereswa. Zvainzi kuita izvi kwaiita kuti musana waamai udambuke. Kutya kudambura musana waamai kwaizoita kuti zvekufamba nenhendeshure zvisaitwe nekuti munhu aizosara asina muriritiri. Chierasiri ichi chainge chiripo kuti munhu asapinda munjodzi yekukuvara adonha nekufamba achienda kwaasina kutarisa. d) Kudya nebanga kwaiereswawo. Kunonzi kwaiita kuti munhu aite mazino akatarangana. Kuita mazino akatarangana kwaizoita kuti chimiro chako chikanganisike saka munhu aizongoona kungorega kudya nebanga kwakanaka. Chierasiri ichi chaiitirwa kuti munhu asazvicheke nebanga. Zvaiitirwawo nyaya dzeutsanana saka chierasiri chaishanda mabasa maviri. Zvaionekwa sezvisina utsanana kuti munhu adye nebanga raichekeswa zvokudya zvemhuri yose. 66 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari e) Zvaiera kusona nguwo wakadzipfeka. Zvainzi kana wakasona nguwo wakadzipfeka waizvisonerera nhamo. Nhamo yakagara iri chinhu chisina anoyemura. Munhu wose anoda kugara upenyu husiri hwokutamburira saka kutya nhamo kwaiita kuti asazozvibaya netsono. f) Kuchinjika huni muchoto kwainzi kwaierawo. Zvainzi zvaizokanganisa mukadzi kubara. Vakadzi ndivo vainyanyokuhwa moto saka nyaya yekuchinjika huni hayaizoitwa nekutya kutadza kubara. Chierasiri ichi chaive chiripo kuti pakukuhwa moto vanhu vasarongere huni mumoto zvaigona kuti vamwe vadonhedzwe nehuni. Sezvo vaizodonhera pedyo nemoto zvaizogona kuitika kuti munhu aizogona kubva atsva nemoto. g) Zvaiera kurova mapfihwa nekuti zvainzi kwaiita makore. Hapana aida mamiriro ekunze akadaro nekuti zvipfeko zvaive kare zvaisiya muviri panze, saka kutonhorwa kwaisava kwenhamo. Vanhu vaiona zvakakodzera kutevedza chierasiri ichi kuti vasazomuka mangwana acho kunze kuine makore. Chierasiri ichi chaive chokuvhara njodzi dzaigona kuitika pamoto waigona kudauka wopisa imba kana vanhu. Vanhu vaigona kutsva zvakare nezvaibikwa pamoto zvarasika mushure mekurohwa kwepfihwa. 15.1.1.3 Zvierasiri zvekudzivirira tsika dzakaipa nekuita kwakaipa a) Zvaiera kutevedzera urema hwewakaremara. Zvainzi waiitawo chirema kana kubara mwana chirema. Hapana anoda kuremara kana kuita mwana chirema saka chierasiri ichi chaitocherechedzwa nekutya izvozvo. Chaivepo yaiva nyaya yokuti vanhu vadzidze kuti hurema hunouya pamunhu asingade saka vanhu vaifanirwa kubata zvirema sevanhu vakangofananawo nevamwe. b) Kudongorera munhu asina kupfeka kwaierawo. Zvainzi munhu aiita zvakadaro aiita shohwera. Shohwera twumamota twudiki twunomera paganda rinovhara maziso. Utwu twunoti kurwadza nekukanganisa kuona. Kuita shohwera kwaibva kwazonyadzisa zvikuru sei pava nefungidziro iyoyo yekuti munhu akadongorera munhu aive asina kupfeka, zvaibva zvatapudza unhu hwako. Chierasiri ichi chainge chiripo kuvhara nyaya dzekubatwa chibharo kwevakadzi idzo dzaigona kuuya nekuda kwekudongorerwa vasina kupfeka nevarume 67 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari c) Kuita makunakuna kwaiera. Zvainzi zvaitadzisa mvura kunaya kana kuti vaparanzvongo vaizobandwa neshumba. Ndiani angade kunzi ndiye atadzisa mvura kunaya muruwa rwose kana kufa achidyiwa neshumba. Izvi zvaiita kuti vanhu varemekedze hama dzavo kana dzava nyaya dzepabonde. d) Mazai ainzi aiera kudyiwa nevadiki. Vadiki vainzi vaiita buka kana vaizodya mazai. Chierasiri ichi chaive nebasa rekuti pasaite makakatanwa pakati pevadiki nevakuru pamusoro pekudya uku kunonaka. Vadiki vaibva vazorega kudya mazai nekutya kuita buka. e) Kuridza muridzo usiku kwainzi kwaiera nekuti zvainzi munhu aiita izvozvo aishevedza varoyi. Hapana aida kuti muroyi auye kwaari nekuti varoyi vaiva nesimba ravaiva naro rokuti vaigona kukonzera kuti munhu atadze kurarama zvakanaka. Chierasiri ichi chaive chakaitirwa kuti vanhu vasaite ruzha nguva yokuzorora yemauro nekuti ruzha rwemauro rwunoenda kure rwuchikanganisa vanhu vanenge vozorora zvavo. f) Kudya uchifamba kwainzi kwaiera nokuti kwaiita kuti munhu aiite muromo murefu. Vanhu vaibva vakoshesa chierasiri ichi nokuti vaitya kuzoita muromo wakadaro. Chierasiri ichi chaive nebasa rekuti munhu aite tsika dzakanaka pakudya. Hausi hunhu hwakanaka kudya uchifamba. 15.1.1.4 Kutyora Zvierasiri Kupikisa kana kutyora zvierasiri kwaireva kupinda mumatambudziko akasiyanasiyana aigona kuuya kumuparanzvongo kana kune vamwewo vanhu zvavo sekukuvara kana kukanganisa vamwewo vanhu zvavo. Zvechitarafu chainzi chaizobva kuvadzimu kwaiva kusimbisa zvierasiri kuti zvisatyorwa, hapana aida kutadzira midzimu yake saka kutyora chierasiri chaisava chinhu chaidiwa naani kana naani zvake. Zvengozi yaiuya kana patyorwa chierasiri hazvaitaurwa. Chaitaurwa nezvacho chaityisa kuvanhu vedu chitarafu chainzi chaizouya kubva kuvadzimu chokutyora chierasiri. 68 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari 15.2 Zviera Kwaivawo nemitemo yaisungirwa kutevedzerwa nekukosheswa mukurarama. Zviera zvaisiyana nezvierasiri pakuti kana waityora mitemo iyoyo wainge washora midzimu saka waisangana nechitarafu chokuita zvaisatenderwa chematambudziko aikukanganisa raramo yako aibva kuvadzimu. Zvaiera kutaura zvisina maturo musango waigona kubva watetereka nesango. Munhu aisafanirwa kukanuka kuita kwemhuka kwakasiyana-siyana kana muri mumasango anoera nekuti waigona kuenda zvachose nesango. Michero yaisafanirwa kungokururwa kana kushorwa ichinzi yaisanaka. Waigona kurasika zvokusaziva kuti kwabviwa ndokupi nekuda kwehunhu hwakadaro. Zvaiera kuchema kana munhu atorwa nenjuzu. Kana atorwa nenjuzu ainzi aizodzorwa kana zvaainge atorerwa zvapera. Kana hama dzemunhu ainge atorwa dzaichema dzichifunga kuti awira mumvura munhu uyu aibva azodzoswa asi afa kare. Kana vakazvibata vakanobvunzira zvaidiwa kuitwa vakazviita, aizodzoka ave nemudzimu wenjuzu ave n’anga huru kwazvo. Kupinda mapako kana ninga dzinovigwa madzishe kunonzi kunoera. Kuita uku kunogona kuita kuti utadze kudzoka warasika mubako kana ninga iyoyo. Kushanda musi wechisi kwaiyerawo. Zvainzi kushanda musi wechisi kwaiita kuti usangane nemurango wakaomarara waibva kuvadzimu waigona kurwadzisa iwe muparanzvongo dzimwe nguva nevedzinza rako. 15.3 Mashura. Mashura zviitiko zvaiera kuonekwa zvichiitika kana kunzwikwa kwazvo. Kana zvaiitika, vanhu vaibva vaziva zvaireva zviitiko zvakadaro nekuti zviitiko izvi 69 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari hazvaingoitika asi kuti zvaive nezvimwe zvazvaishura kana kuti zvazvaidudzira zvaigona kunge zvakanaka kana zvakaipa kuhupenyu hwevanhu. Muenzaniso; Kana dai munhu aiita nharo dzekushanda musi wechisi uyo wainzi waiera, aigona kusangana nemashura aitaridza kuti zvaaiita zvainge zviri kunze kwemitemo yemararamiro edu. Munhu iyeye aizogona kusangana nemashura akaita sokuona mhuka dzichiita zvimwe zvinhu zvisizvo. Kuona zviitiko zvakadaro kwaive kusangana neshura raidudzira ngwavaira yaizosangana namuparanzvongo mukurarama kwake. Mashura aya anga akanakira kuti aitungamira pamararamiro eVaShona achivapa gwara. Pose pavaiona mashura vaibva vava netarisiro yezvaizoitika muupenyu hwavo zvaigona kunge zvakanaka kana kuti zvakashata sezvinotevera; Mashura akanaka Kuona nyoka yetsukukuviri muzhizha kunonzi kunoshura kunaya kwemvura. Kuona masvosve akatakura misengwa yawo kunoshura kuita rombo rakanaka. Kana vavhimi vaisangana neshura iri vaibva vaziva zvazvaireva. Kuona shiri dzinonzi masvuuramurove kunoshura kunaya kwemvura. Kupinda kwenyuchi imwe chete mumba kunoshura kuuya kwehweni pamusha. Kuvava kwemukati meruoko kwaishurawo rombo rakanaka rekuwana kana kupiwa zvinhu. Mashura akaipa Zvaiera kuona nyoka yetsanganyoka. Yainzi yaishura matambudziko aisanganisira rufu, kurwarirwa kana kunetsana. Kunzwa imbwa dzichichema zvokuungudza zvisiri zvokuhukura kunoshura rufu mumusha kana mumana. 70 | P a g e Misambo yeVaShona ‘O’ Level naNick Mufutumari Kupinda kwechindororo mumba mune utenda kunoshura dambudziko rekukura kweutenda kana rufu. Kudarika kwenyuchi dzakawanda nepamusha kunoshura ngwavaira kana dambudziko pamusha. Kudarikirwa pamberi penyu negudo kana tsoko inombomira pakati pomugwagwa ichikutarisai imi muri parwendo kunoshura kusangana nedambudziko parwendo rwamunenge muinarwo. Kurova kwehana kunoshurawo kuuya kwedambudziko guru. 15.4 Kupindura Mibvunzo 1. Doma mhando nhatu dzezvieraera zveVaShona. [3] 2. Tsanangura mabasa matatu ezvierasiri muhupenyu hwevanhu vatema. 3. Jekesa musiyano pakati pezviera nezvierasiri. [2] 4. Mashura akakosherei muupenyu hwevatema? [2] [3] 71 | P a g e